Tiri kutenga mabhuku: Mavima

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Tiri kutenga mabhuku: Mavima PAUL MAVIMA

Kwayedza

Tandayi Motsi —
HURUMENDE iri kushanda nesimba kuti muzvikoro zvepuraimari nesekondari munyika yose muve nemabhuku ekuverenga pamwe nezvimwe zvinodiwa mudzidzo zvinokwanirana nevana.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMberengwa North mudare iri, Cde Tafanana Zhou.

Cde Zhou vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri kuitira kuti zvikoro zvekumaruwa seMposi High School chiri kuMberengwa, zvive nemabhuku ekuverenga anokwanirana.

“Ndinoda kuziva kuti bazi iri richaita kuti zvikoro zvakadai seMposi High School, kuMberengwa North, zvinge zvave nemabhuku ekuverenga anokwanirana nevadzidzi rinhi? Ndinoda zvakare kuziva kuti Vumukwana Secondary School iri kuWard 16, kuMberengwa North zvakare, ichavakwa rinhi?” vanodaro Cde Zhou. Prof Mavima vanoti bazi ravo riri kuziva matambudziko akatarisana nezvimwe zvikoro munyika ekushomeka kwemabhuku ekuverenga nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

“Patakawana kuzvitonga kuzere muna 1980, munyika maive nezvikoro zvesekondari 157 chete. Asi nekusimukira kuri kuita chikamu chedzidzo, huwandu hwezvikoro zvesekondari hwasvika pa2 775. Saka nekudaro zvakaomera bazi redu kuti ripe zvekudzidzisa kuzvikoro zvose.

“Makomiti emaSchool Development Committes akapihwa simba rekuti asimudzire zvikoro pamwe nekuona kuti zvine zvekushandisa zvakakwana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Asi izvi hazvirevi kuti bazi redu harina hanya nekuti muzvikoro muve nezvekushandisa pafundo zvinokwanirana nevadzidzi sezvo tiri kuedza nepose patinokwanisa. Mugore ra2011, bazi redu — kuburikidza nehomwe yeEducation Development Fund — rakapa zvikoro zvose zvepuraimari nesekondari zvekushandisa mufundo kusanganisira mabhuku ekuverenga nemidziyo yekushandisa uye Mposi Secondary yaive pakati pezvikoro izvi.”

Vachipindura pamusoro pekuvakwa kwechikoro cheVumukwana Secondary, Prof Mavima vanoti pamagwaro ari kumahofisi avo, chikoro ichi hachizi pakati pezvinoda kuvakwa uye havana ruzivo nezvacho.

Vanoti bazi ravo haringovaka zvikoro zvitsva munharaunda dzakasiyana pasina zvikumbiro zvinenge zvabva kuvagari veko kana vatungamiriri vematunhu.

“Saka zviri kuvagari venzvimbo dzakasiyana kuti kana vaona vachida kuvakirwa zvikoro vanofanira kutevedza gwara voendesa zvichemo zvavo kubazi redzidzo kuburikidza nemahofisi ari kumatunhu avo edzidzo. Vari kumahofisi ari kumatunhu aya vanozoita ongororo pamwe nekubvunzurudza zvakadzama pamusoro penyaya iyi kuti vaone kuti chikoro ichi chinofanirwa kunge chichivakwa here uye chinovakwa kana zvaonekwa zvakakodzera,” vanodaro Prof Mavima.

Share This:

Sponsored Links