Tiri kuvakisa zvikoro 170 zvitsva: Dokora

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Tiri kuvakisa zvikoro  170 zvitsva: Dokora CDE Lazarus Dokora vachitaura nevana vepaMurongwe Primary School, kuDande svondo rapera. Chikoro ichi, icho chakavamba chiri chemapango nedhaka, chava chimwe chezvikoro zvinoyevedza zvikuru munyika mushure mekunge chavakurudzwa nemauto emuchadenga, eAir Force of Zimbabwe. Chikoro ichi, pamwe chete neMurongwe Health Centre zvava nemagetsi nemakombiyuta.

Kwayedza

Tandayi Motsi
HURUMENDE ichavaka zvikoro 166 zvepuraimari nesekondari munyika yose kuitira kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana uye basa rekuvaka zvimwe 17 zvacho richatanga mumasvondo maviri ari kutevera.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, mudare reParamende svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weChirumhanzi-Zivagwe, Cde Auxillia Mnangagwa.

Cde Mnangagwa vaida kuziva zviri kuitwa nebazi iri mukuvaka zvikoro vachiti kune vamwe vana vari kudzidzira pamhene.

“Mubvunzo wangu wakanangana nebazi redzidzo yepuramairi nesekondari. Tiri kuona vari kuvaka zvikoro munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva neHurumende. Ndinoda kuziva kuti vari kuvakawo here kumaruwa nekuti mvura yave pedyo kunaya.

“Muri kutanga kuvaka zvikoro here kunzvimbo dzakadai seChirumanzu-Zibagwe nekuti vana vari kudzidzira panze?”

Dr Dokora vanoti zvikoro zvicharamba zvichivakwa sezvo iri kodzero yemwana wose kuti awane dzidzo.

“Zvikoro zvicharamba zvichivakwa kuitira kuti vana vasarudze kwavanoda kudzidza vakasununguka. Pane zvimwe zvikoro zviri kuvakwa kuburikidza nezvibvumirano zvatakaita nenyika dzakasiyana.

Tichada kukoka nhengo dzedare reParamende kuti dziende kunoona chimwe chezvikoro chiri kuvakwa (pilot project) kuHatcliffe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takati zvakare tine mari yechikwereti yatakapihwa yekuvaka zvikoro 17 uye dare reCabinet rakaita chisungo chekuti bazi redu rinofanira kuvaka zvikoro 100.”

Dr Dokora vanoti kune zvimwe zvikoro zviri kuvakwa nevabereki izvo bazi ravo richabatsirawo kuti zvinge zvichipera.

“Isu sebazi, takati kunze kwezvikoro 100 zvatakanzi tivake, tichavaka zvave 166 nekuti tiri kupedzisa kuvaka zvimwe zvakatangiswa nevabereki. Tiri kushanda nekambani yeDBZ sachipangamazano wedu (consultant).

“Gore rino muna Mbudzi tichaona kuti chirongwa ichi chatanga kufambiswa asi zvimwe zvikoro 17 zviri kutanga kuvakwa mumasvondo maviri anotevera,” vanodaro Dr Dokora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey