Tiri kuvandudza dzidzo – ed

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Tiri kuvandudza dzidzo – ed President Mnangagwa

Kwayedza

Tandayi Motsi
PRESIDENT Mnangagwa vanoti dzidzo ndiwo musimboti webudiriro yenyika sezvo ichiumba remangwana revechidiki rakajeka kuburikidza nekuvadzidzisa hunhu hwakanaka nekuvapa fundo yemabasa emawoko ayo avanozokwanisa kuzviraramisa nawo.

Vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera apo vaiparura zviri pamutemo gwaro reZANU-PF rine hurongwa hwesarudzo idzo dzichaitwa munguva pfupi iri kutevera.

“Makore 37 adarika tawana kuzvitonga kuzere, aona zvikoro zvakawanda zvichivakwa – kusanganisira zvikoro zvepamusoro pamwe nevadzidzi vachiwandawo. Apo tiri kuenda mberi, kuwanikwa kwedzidzo yemhando yepamusoro-soro ndicho chichava chinangwa chikuru cheHurumende yeZANU-PF.

“Izvi zvinoita kuti pave nevanhu vakadzidzira mabasa avo vanobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Dzidzo ndiyo hwaro hwebudiriro yenyika sezvo ichiita kuti vechidiki vakwanise kuve neremangwana rakajeka.”

President Mnangagwa vanoti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekupedza matambudziko ari muchikamu chedzidzo ayo anosanganisira kushomeka kwezvivakwa muzvikoro zvepuraimari nesekondari pamwe nekumayunivhesiti nemakoreji.

“Hurumende ichaona kuti zvivakwa izvi zvavepo kuburikidza nenzira dzinosanganisira kushanda nemamwe mapoka,” vanodaro.

Hurumende, vanodaro President Mnangagwa, iri kushushikanawo nevamwe vadzidzi vari kusiira chikoro panzira nekuda kwedambudziko rekushaya mari yefizi.

“Nekuda kwedambudziko iri, ZANU-PF icharamba ichibatsira vana vanoshaya pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM). Pamusoro pezvo, panodiwa chirongwa chekuti vadzidzisi vakwanise kuwaniswa mari dzechikwereti zviri nyore uye Hurumende ichaita kuti chirongwa ichi chivepo,” vanodaro.

Vanoti Hurumende yakazvipira kushanda nesimba kuitira kuti dzidzo ive nepunduko munyika.

“Kufambiswa kwechirongwa chekuvandudza fundo, cheUpdated New Curriculum, kuchaenderera mberi zvakawedzerwa. Pamusoro pezvo, zvikoro zvepamusoro zvichange zvichikurudzirwa kuti zvidyidzane zvakasimba nevemaindaisitiri mukuita tsvakurudzo pamwe nekuvandudzwa kweruzivo tweICT kuitira kuti fundo ienderane nezvinodiwa mubudiriro yenyika,” vanodaro President Mnangagwa.

 

Share This:

Sponsored Links