‘Tiri kuvandudza mashandiro ematicha’

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende iri kutora matanho achaita kuti vadzidzisi vaite basa ravo nemazvo kuburikidza nekuvandudza mashandiro avo.
Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBuhera West mudare iri, Cde Oliver Mandipaka.

Cde Mandipaka vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende pamusoro pevamwe vadzidzisi, sevamwe vemuHarare, avo vavakati vanoratidza kusazvipira mubasa ravo zvichitevera kubviswa neHurumende kwakaitwa mari dzavaipihwa nevabereki dzema”incentives”.

Prof Mavima vakati bazi ravo riri kutora matanho akasiyana nedonzvo rekuona kuti vana vawana dzidziso inovapa pundutso muupenyu.

“Imwe nzira yatiri kushandisa kuvandudza mashandiro evadzidzisi chirongwa cheTeacher Capacity Development.

Tiri kuita zvakare kuti pange paine kuongororwa kwakasimba kwemashandiro evarairidzi nevakuru vezvikoro pamwe nevakuru vedzidzo vematunhu, maDistrict Education Officers (DEO’s).

“Aya ndiwo mamwe ematanho atiri kutora asi handingadi kuti nhengo dzedare rino dzitende kuti kumiswa kwakaitwa mari dzema’incentives’ idzo dzaipihwa varairidzi chipingaidzo, zvinhu zvagara zvakadzikira muzvikoro kana tichitaura pamusoro pekutunzvaidza varairidzi.

Vachipindura mumwe mubvunzo wenhengo yedare iri, yeProportional Representation (PR), Mai Jane Nicola Waston, Prof Mavima vakati kune dzimwe nzvimbo vadzidzisi vari kufundisa vana vakawandisa nekuda kwekushomeka kwezvikoro.

Mai Watson vaida kuziva huwandu hwevana vanofanira kudzidziswa nemudzidzisi mumwe chete pamutemo vachiti kune zvimwe zvikoro vana vaigona kusvika 70 mukirasi imwe chete.

Prof Mavima vakati Zimbabwe yakatarisana nekushomeka kwezvikoro sezvo pari zvino kuchidiwa zvikoro zvinodarika 2 000 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>