Tiri mugwara: Zifa

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Tiri mugwara: Zifa

Kwayedza

Abel Ndooka —
SANGANO rinotungamira nhabvu reZimbabwe Football Association rinoti riri mushishi kuumba chikwata chakasimba chinove mbambo chizere nevatambi vekunze avo vachakwikwidza mumutambo wekuenda kuAfrican Cup of Nations ya2019 uchaitirwa kunyika yeCameroon.

Zifa inoti kune vatambi vanopfuura 40 vanove zvizvarwa zveZimbabwe vari kutambira kuzvikwata zvekuEurope uye iri kushanda siku nesikati kuti vazhinji vavo vawane mukana wekutambira maWarriors pamwe nezvikwata zvevechidiki, kutangira paUnder-15.

Mutevedzeri wemutungamiri weZifa – Omega Sibanda – anoti maWarriors anofanirwa kuonekwa achimisidzana nezvikwata zvakaita seCote d’Ivoire, Egypt neCameroon pakurwira mikombe mikuru yemuAfrica uye nekuenda kuWorld Cup.

“Tine vatambi vanopfuura 40 vari kuEurope uye tiri kutaura navo vese kuti vauye kuzotambira maWarriors saka zvikafamba zvakanaka tiri kuda kuumba chikwata chakasimba chichavhundutsa muAfrica nepasi rese,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Vatambi vekuEurope vakauya zvinenge zvakanaka, chikwata chedu chinosimba nekuti nhabvu yeikoko iri pamberi kudarika yemuno uye vatambi veko vanonyatsobikwa zvakasimba.”

Mumwe wevatambi ari kushuvirwa neZifa zvikuru kuti awane mukana wekutambira maWarriors ndiReiss Nelson (17) weArsenal uyo anotambira chikwata cheEngland Under-19.

Nelson ari kutamba nhabvu inonwisa mvura mwaka uno izvo zvamuona achitambira Arsenal mumitambo yeEuropa League neCarabao Cup kana kuti League Cup.

Sibanda anoti mutambi uyu vari kumuda chaizvo zvekuti gore rinotevera achange arimo muchikwata chemaWarriors chichakwikwidza mumutambo weAfcon 2019.

“Mupfana iyeye tiri kumuda zvisingaite uye tiri kumhanya kuti ange ari muchikwata chedu. Mutarisirei gore rinotevera, achange ari muchikwata chicharwira kuenda kuAfcon 2019,” anodaro.

Zvakadai, parizvino vatambi vana vanotambira kuEngland neScotland vanoti Admiral Muskwe weLeicester City, Tendayi Darikwa weNottingham Forest, Macauley Bonne weLeyton Orient naKundai Benyu weCeltic vakauya svondo rino kuzotamba mitambo miviri yemaWarriors yehushamwari neLesotho neNamibia.

Sibanda anoti havasi kutyira vatambi ava sezvo sangano ravo rakarongeka panyaya dzekugarisa zvichemo zvevatambi.

“Ipapo musatityire, zvese zviri mugwara takagadzirisa saka hatina chekutya musatityire. Zvatave kuita izvi kuda kuti nhabvu yemuno iende kure,” anodaro Sibanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey