Uncategorized

‘Tokoloshi ndeyangu’

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Tokoloshi ndeyangu’ VaTichaona Nyakundivenga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME nemudzimai wake vekuGokwe – vekubuda munhau vachipomera muporofita Madzibaba Steven Mugariri huroyi apo vaiti vakapihwa miteuro yakazonopanduka kuita zvidhoma – vava kudududza vachiti ivo ndivo zvitopota zvevaroyi sezvo vakanoromba mishonga yakaipa kunyika yeZambia.

Vanoti mishonga yavakanoromba iyi ndiyo yava kuvaonesa ndondo pamwe chete nemhuri, izvo zvava kuvaita kuti vatize minana yava kuitika pamusha pavo – kwete muporofita wavainge vambonenera.

VaTichaona Nyakundivenga (42) nemudzimai wavo Melody Machivenyika (39) vekwaMambo Chireya vakabuda muKwayedza nguva yapera vachiti Madzibaba Steven vechechi yeJohane Masowe Zambuko, yekuChitungwiza, muroyi nekuda kwemiteuro yavanoti vakanopihwa ikoko iyo yavaiti yavashaisa mufaro nemasaramusi ava kuitika mumusha mavo.

Pavakabuda kekutanga, murume nemudzimai wake vaiti mushure mekupihwa miteuro kumasowe kwaMadzibaba Steven, vakatanga kuona masaramusi anosangananisira kuona mombe dzizere mumba, imbwa dzavasingazive dzinongorwa pamusha nezinyoka rinodarika nemuchivanze chavo.

Panguva iyoyi Madzibaba Steven akarambisisa kuti muroyi, ndokuti vanhu ava vanofanirwa kureva chokwadi, voreurura zvavakabata, kana vachida kuti mashura aya apere.

Nekuda kwezviri kuitika kwavari, mhuri iyi yakanomhan’arira Madzibaba Steven kudare raMambo Chireya, VaHenry Chidzivo (50), ichiti inoda kuti muporofita uyu apinginure huroyi hwake.

Izvi zvinotevera kuenda kwakange kwaita mhuri iyi kwaMadzibaba Steven ichida kunobatsirwa mushure mekufirwa nanababa nedzimwe hama uyewo nekuti vanasikana vavo havasi kuroorwa.

Sezvo VaNyakundivenga vari ivo mukomana mukuru mumhuri, vanonzi vakamanikidzwa nevemhuri yavo kuenda kwaMadzibaba Steven, uko vanonzi vakanonongedzwa vachinzi vaiva vakaromba inova nyaya yavakarambisisa pamberi pehama dzavo.

Vemhuri iyi vakazopihwa nhombo nhatu nehoko naMadzibaba Steven kuti vanoshandisa nenzira inozivikanwa nekuti “back to sender”. Izvi zvinonzi zvinoita kuti mishonga yakaipa ipandukire muridzi wayo.

Zvimwe zvezviri kuitika kumhuri iyi zvinosanganisira kuti chikafu chinongotsakatika mumba, mudzimba muchingopfuta moto uye vanhukadzi zvose nevanhurume vanoitwa vakadzi nezvinhu zvavasinganzwisise.

Pamusha uyu panonzizve panoonekwa imbwa nekatsi dzakawanda dzichirwa zvekuburitsana ropa uye vanonzwa mazwi evanhu vanotaura mudzimba asi vasingaonekwe.

Svondo rapera murume nemudzimai wake ava vakazopotera kuKwayedza vachiti “zvinhu zviya zvatonyanya”. Vanoti vava kuona n’anga yekuZambia uko kwavakanotora mishonga yakaipa ichivatevera kwose kwavanoenda ichitaura navo apo inenge yakapfeka mbatya dzavakaiwana yakapfeka pavakaendako.

VaNyakundivenga nemudzimai wavo —avo vanova ndivo vakanomhan’arira Madzibaba Steven kwaMambo Chireya vachida kuti vayananiswe pakuti madzibaba uyu abvise mhiko dzake – vanoti svondo rapera paseri vakazoenda kudare uko vakanosandura mashoko avo vachizviti ndivo varoyi.

Kudare iri Madzibaba Steven haana kuenda asi anoti “ndaiveko ndisiko”.

Mambo Chireya vanotsinhira kuti vemhuri iyi vakazodzokera kudare ravo vachinochenura muporofita wavainge vamhan’arira uyu uye vachizviti ivo ndivo zvitopota zvekuroya.

Mambo Chireya

VaNyakundivenga nemudzimai wavo vakauya kumahofisi eKwayedza svondo rakapera vachiti: “Taingoramba nyaya yatinoziva nekuda kwekuti taitya kurohwa nehama dzedu kuti takanoromba kuZambia.

“Takazoenda kudare ramambo taona kuti zvakanaka kutaura chokwadi nekuda kwematambudziko atava kusangana nawo pane kusvibisa munhu asina mhosva. Pekutanga takatya kudura kuti takanotora huroyi kun’anga yekuZambia.

“Mambo ndakavaudza kuti zvose zvataitaura manyepo, taingopomera madzibaba nyaya isipo. Chokwadi ndechekuti vakangotiitira go back to sender mishonga yedu ichibva yatipandukira.

“KuZambia takapihwa tutokoloshi tuviri nezvimwe zvinhu zvatakanzi zvinotipa mari nekuti musha wedu usimbe.”

VaNyakundivenga vanoti vakanokumbira ruregerero kudare ramambo ndokunzi vadzokere kubepanhau rino nekunaMadzibaba Steven vachireurura. “Mambo vakatiti tidzokere kumba vozotipa tsamba yekudzokera nayo kwaMadzibaba Steven avo vasina kuuya kudare iri.

“Tinokumbirawo imi veKwayedza kuti mutiperekedze kwamadzibaba nekuti takataura navo panhare vakati tidzoke kwamuri kwatakambomhanyira,” vanodaro VaNyakundivenga.

Vanoti musi wavakaenda kudare ramambo, vakaperekedzwa nechinhu chaiita sen’anga yekuZambia icho chaingoridza tsamwa ndokubva chasvikomirira kunze kwemusha wamambo.

Vapedza namambo, vanodaro, chin’anga chiye chakadzokera navo kunosvika pamusha pavo chichibva chanyangarika.

“Tichitarisa kuZambia nekuGokwe, tinofunga kuti n’anga iyi iri kutumira zvidhoma zvayo kana kuti chava chipoko chayo nekuti hatizive kuti imhenyu here kana kuti yakafa,” vanodaro.

Vanoti pose pavanoona n’anga iyi, inenge ichitaura kuti vakatora mishonga yayo vakasanganisa nemiteuro izvo zvave kuikanganisa upenyu hwayo nekudaro inoda kudzoserwa zvinhu zvayo.

Murume uyu nemudzimai wake vanoti vari kupera miviri kuita sekunge vanogara vachiyamwiwa ropa.

“Takatotiza pamusha ndokusiya vana vose kuhama neshamwari dzedu. Tinototya kudzokera kumusha uye hakuna munhu achada kutiona nekuda kwekunzi tiri varoyi,” vanodaro VaNyakundivenga.

Mai Machivenyika vanoti vakanyengerwa nemurume wavo kuti vanotora tokoloshi kuti vaite mari, asi zvakapanduka zvave kuita kuti vaoneswe nhamo nekuitwa bonde nevarume vavasingazive.

Mai Melody Machivenyika

“Inyaya yekuda mari, tingadai tisina kuita izvi. Takatengesa mombe zhinji kuti tiende kun’anga iyi asi nhasi zvatipandukira, apa hakuna kubudirira kwataita, tinongori varombo.

“Musha waparara, iye murume handichambonzwa kumuda, iyewo haadi kundiona sezvo ava kudanana netutokoloshi,” vanodaro.

VaNyakundivenga vanoti vari kufunga zvekuzviuraya nekuda kwenyaya iyi. Vanotizve vari kuda kunodzosera zvinhu izvi kun’anga yekuZambia asi havana mari yekufambisa neyekunoripa n’anga yacho kuti itambire zvinhu zvayo.

Mambo Chireya vanoti; “Taida kutonga Madzibaba Steven pano padare rangu nekuti mashavi evaroyi abude. Takazonzwa vanhu ava votaura mashura avo ekuteverwa nen’anga iyi vachizviti ndivo varoyi, vakanotora tokoloshi nemimwe mishonga kuZambia.  “Ndakamirira kudzoka kwavo vose kuno tovayananisa semhuri.”

Kusvika pakadhindwa bepanhau rino, vemhuri yekwaNyakundivenga vainge vasati vadzokera kunaMadzibaba Steven kana kwamambo.

Share This:

Sponsored Links