‘Tora hako murume, inini ndachembera’

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mudzimai wekupomerwa kuti ari kushungurudza mumwe mukadzi akati iye haana basa nekuti ari kudanana nemurume wake sezvo iye achembera uye anotoda kuti auye kumba kwake vazogara vose.

Liana Chitangwa akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naDoreen Mudeu achiti ari kumuonesa ndondo.

Mudeu anoti anoda gwaro rekumuchengetedza kuti asafurufushwe naChitangwa. “Ngaasauye kumba kwangu kana kundityisidzira uye kuda kupwanya mota yangu. Rimwe zuva ndakatozonzwa huta (alarm) yemota yava kurira iye achiedza kupinda imomo,” anodaro.

Anoti Chitangwa anofungira kuti anodanana nemurume wake zvinova zvisirizvo. “Anofunga kuti ndinodanana nemurume wake asi hazvisirizvo, murume wake ari kundishandira saka dzimwe nguva tinenge tiri tose tichitaura zvebasa iye ofungira,” anodaro Mudeu.

Asi Chitangwa anopikisana nechikumbiro chaMudeu.

“Handibvumirane nechikumbiro chake nekuti zvose zvaari kutaura manyepo. Ari kudanana nemurume wangu, pandakaenda kumota yake murume wangu aitovamo uye pamwe pacho vakatoenda vose kumusha kwemurume vachinoratidzana,” anodaro Chitangwa.

Anoenderera mberi achiti haana basa nekudanana kwavo asi ari kuda kuti Mudeu auye vagare vose sezvo mari yava kuperera kwaari.

“Handina basa nekudanana kwavo, ini ndachembera. Ngaamutore murume wacho. Chandiri kuda kuti auye kuzogara kumba kwangu nekuti ini nevana vangu vatanhatu tava kufa nenzara iye achipihwa mari,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Mudeu gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links