Uncategorized

‘Torai mishonga yangu muipise . . .’ Handichada: mukuru wezvigure

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
‘Torai mishonga yangu muipise . . .’ Handichada:  mukuru  wezvigure JOSEPH Chirenje

Kwayedza

JOSEPH Chirenje

JOSEPH Chirenje

MURUME wechidiki, uyo ange ave nemakore 24 achiita zvezvigure zvekusvika pakuva mukuru wazvo, anoti “handichada”. Joseph Chirenje anoti panguva yose yaagara achiita zvezvigure, vaiita mabasa akaipa anosanganisira kuuraya vanhu. Asi zvino anoti haachada izvi uye azvipira kunamata sezvo agutsikana kuti hazvina kwazvinomusvitsa kunze kwekuparadza bedzi.

Chirenje (35) wepanhamba 3222 Unit D, kuChitungwiza, anoti zvisinei kuti akasiya mabasa ose erima ezvigure ari kutyira upenyu hwake zvichitevera kufumura kwaakaita mhiko dzemashandiro ezvigure izvo zvisingatenderwe nevanoita zvezvinyau.

“Ndange ndave nemakore mana ndiri mutungamiriri wezvinyau kukirabhu inodaidzwa kunzi Kondwani Gure Club. Asi zvezvigure ndakazvitanga ndichiri mudiki kwazvo.

“Ndange ndatove kutyiwa munharaunda, kunyangwe madzikoma angu nedzimwe hama dzangu vange vasisataudzane neni nekuda kwemabasa erima andange ndichiita. Ndinodaro nekuti kana uri chigure unenge uchibata mishonga yakaipa, mimwe inotopfuudza upenyu hwevanhu,” Chirenje akaudza Kwayedza svondo rapera.

Kuratidza kuti haachada kuita mabasa aanoti akaipa aya, Chirenje akatopa “maturusi” ake ebasa kune imwe chechi kuti zviparadzwe. Izvi zvinosanganisira nguwo kana kuti mbatya dzaaipfeka, matehwe embada nemisoro yacho, mishonga inokuvadza nehumwe hungwanda-ngwanda.

Akapa nhoroondo yake kusvika pakuzorega zvezvigure.

“Ndakange ndaenda nemudzimai wangu kwatezvara pakupera kwegore ra2014 apo ndakapindwa nemweya wokuti ndisiyane nazvo. Ndakangotanga kurutsa zvinhu zvitema nezvichena uye chimwe chezvinhu zvacho chakange chakaita kunge moyo wehuku.

“Ndakachema ndabatwa nemweya ndikatanga kunzwa kusema mabasa ezvigure ayo andaiita kwemakore mazhinji,” akadaro Chirenje.

Anoti ange ava kuchengeta mhotsi (vhudzi refu rakamonwa) idzo akagerwa paakatendeuka, ndokutanga kuenda kuchechi.

“Upenyu hwangu hwasanduka, vanhu vemunharaunda mandinogara vakange vasingandimhoresi nekuda kwekutya mabasa andaiita. Asi iko zvino ndave kuonekwawo semunhu.

“Kunyangwe ambuya vangu, vakabereka mudzimai wangu, vakange vasati vambosangana neni asi iko zvino tave kushanyirana. Mukoma wangu aisada kundikwazisa chaiko asi nhasi uno tave kuita hushamwari hwebhande nebhurugwa.

“Hongu, kune vamwe vanhu vanotendeuka asi vachizochiva mabasa akaipa avaimboita nekuda kwekukara mari, asi ini handidaro. Ndakazviona kuti ndairarama mumadhaka ndichiita zvisakarurama, zvimwe zvacho zvaikonzera marwadzo panyama yangu, uye kushungurudza mhuri yangu nekuti ndaitoshaya nguva nayo. Naizvozvo ndakaona zvisingandibatsire ndikasarudza kuzvisiya.”

Chirenje anoti kunyangwe zvigure zvichishandisa mishonga, dzimwe nguva zvinogona kutyisidzira vanhu nezvinhu zvemanyepo nechinangwa chekuti zvityiwe.

“Vanhu vanoudzwa kuti tinodya huku dziri mbishi, kunzi mudzimai akazvitakura haafaniri kuona zvigure nekuti mwana wake anogona kunyangarika mudumbu nekuti munhu akatandaniswa nechigure akadonha zvekukuvara ronda racho haripori. Zvose izvi ndinoti manyepo, huku taiuraya toita zvekugocha tichiisa mushonga asi takange tisingaise sauti bedzi.

“Zvigure hazvina simba rekudzura mwana ari mudumbu asi inyaya yekuti vanhu vatye uye munhu anenge atandaniswa nechigure akakuvara ronda rinopora asi rinogona kutora nguva ndefu. Kana zviye munhu akatandaniswa aine kutya anogona kuwira pasi zvine simba zvinoita kuti aite ronda rakadzika kwete kuti zvigure ndizvo zvinenge zvakonzeresa,” akadaro Chirenje.

Anoti nyaya huru ndeyekuti zvigure hazvidi kuti vanhu vazive zvakawanda pamusoro pazvo.

“Kutaura kudai, ndinotoziva kuti zita rangu riri padare guru nevakasara ku“Gule” apo vanenge vachiti ndakafumura mabasa avo akashata kuKwayedza,” akadaro.

Muviri waChirenje une matatoo uye mawoko ake anoratidza kuve nemavanga makuru.

Chirenge anoti chizvarwa chekuMozambique uye akambogara kuChegutu.

Share This:

Sponsored Links