Torova muwonekedzo wetsumo

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KANA tichitaura nezvechikwangu, tiri kuti tava kurova kekupedzisira musambo watanga tiinawo. Ndinofunga tabikika zvakwana munyaya yetsumo dzatinoshandisa muzvinyorwa zvedu.
Asi regai tirove nhumba yemuonekedzo kuitira kuti tikokote twose twatakaita tsvakurudzo.
Zvinenge zvasarira imi vana vechikoro kuti muchigona kuumba zvinyorwa zvakadzama muchishandisa tsumo kuti goho renyu rigoyevedza vadzidzisi nevabereki.
Zvinonzi, Dai pakanga pasina nyimo makunguwo aidyei. Iyi tsumo inotaura pamusoro pokurarama zvine pundutso. Inonyanyotaurirwa vaya vane unyope.
Tinenge takatarisana nechinhu chikuru kumunhu chokuti kana chichinge chisipo, munhu haangagoni kurarama kana kubudirira. Tiri kutarisa zvinhu zvakakosha sechikafu kana mari izvo zvinouya nekushandirwa.
Tine vanhu vanotiitira zvakanaka muupenyu zvekuti hataimbofanira kuzovatadzira asi nekuda kwemararamiro edu, tinowanikwa tichivaitira mashura. Pose pataitamba nhamo nekushupika ndivo vaitimiririra nokutibatsira. Tinobva tanotsondokota nekubaya pamoyo pavo tichikanganwa kuti vaitambura vachitibatsira. Vaya vanenge voona kupotsa kwedu vanozoti, Kwamairidigikira ndiko moringa deyateya.
Mapiro aMusikavanhu akasiyana chose kana takatarisana neupfumi.
Vapfumi vakamiswa pamwechete vachiwaridza upfumi hwavo haumbofi hwakafanana kana kuenzana. Zvinototi zvisiyane chete. Vanhu vazhinji havana upfumi kana zvinhu zvakaenzana.
Ndipo patinoshevedzera kuti, Upfumi hahuna kuringanwa chakaringanwa ivhudzi.
Nyaya yerushambwa kana munyama ikaera yabata munhu inoita zvekunamira sechikwekwe chiri padore remombe risisazivi musuwo wedhibhi. Rushambwa rwuya rwunobva rwati nanga nanga naye. Chero kukauya zvinhu zvakanaka sei zvichinangana naiye, zvinongopedzesera zvatora gwara ramai Tamburai sokunonzi munhu iyeye akasikirwa kutambura. Ndipo panozonzi navakuru, Ngewacho kufuka jira idzva rinotsva. Kune tsumo inoti, Mafutura evakatangapo kare kususukidza svingo nechirongo. Iyi tsumo inodudza zvinoitika mumagariro evanhu. Hatifariri vanhu vanopinda pane zvatinenge takatanga. Munhu kana achinge atanga chinhu chake, anoda kuva mutungamiri wacho. Chero muroora anotanga kuuya pamusha, anoda kuzvisusukidza kuti agotungamirira vakadzin’ina vose vachauya nekuti anoti ndiye akatanga.

Zvatirimo muzvikoro umu tine vamwe vanhu vanonyegera vamwe kutamba kana hweshe mumigwagwa ivo vasati vaita basa ravanenge vapiwa. Iye anenge achiziva hake kuti zvake apanda atosendeka. Zvino vaya anaMadezviro vanobva vaputirwa zvekukanganwa kuti vane zvipande kusvika rapinda muna amai varo. Kunyengedza vamwe kuti varege kuita mabasa avanenge vakafanira kuita iwe uchiziva kuti wapedza rako ndizvo zvononzi, Made etsvimborume okudya yakawaridza.

Chikwangu chedu zvino chaperera pano asi chitsvambe chasara kumwana wechikoro kuti uchiita madanha ekukodza mutauro sezvo bvunzo rava muberevere kudai.

 

Share This:

Sponsored Links