Tose mumuforo kuvandudza nyika!

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino ndarangarira zvinotaurwa mushoko raMwari panonzi paya, panowanda mashoko hapashaikwi rutadzo. Saka Mukwende ari kukupai mikwende yemifananidzo yaakatora muguta reHarare nezuro chaiye.

Tikapa vanhu vokunze, havafungi kuti ndozvakaita migwagwa yedu. Anotanga kuzvibvunza kuti kana muguta guru reHarare makadai, ko kumwe kwakaita sei? Ndiwo unonzi Mukwende hama dzangu.

Mifananidzo iyi iri kuratidza mazihuswa ari kuregedzwa achiramba achingokura, nokungokura – zvinove zvinhu zvinokonzera ngozi kuvatyairi nevanhu vavanenge vakatakurwa. Rufu nokuparara zvatakapfimbikwa mumahuswa aya, asi zvokuchekesa zvizere.

Pane mumwe mufananidzo, tinoona chiteshi chakabhonyongoka chinofanirwa kumira vanhu vachigarira makombi icho chinoratidza kuti hapana ane hanya nacho kusvika chadonha.

Asiwo pane mumwe mufananidzo unopa tariro, patiri kuona munhu achicheka uswa. Asi chiripo ndechokuti huswa huri kuchekwa pedyo nechiteshi chitsva chepeturo chisati chatanga kushanda munaKambuzuma Road.

Kubva pavakatora mhiko musi wa21 Mbudzi, gore rapfuura, President Emmerson vari kungoimba kuti Zimbabwe yavhurika kuita mabhizinesi nedzimwe nyika.

Mubhizinesi, mafambiro nenguva zvinhu zvakakosha zvikuru. Zvino maziuswa aya anopa chimiro chakaita sei kumunhu ada zvebhizinesi?

Kanzuru pamwe chete nebazi reHurumende havazvioniwo here kuti maziuswa aya nemakomba mumigwagwa injodzi? Hazvishamisi kuti vanofamba netsoka vanogona kubirwa, kubhinywa kana kupondwa zvichiita kunge kusina zvokuchekesa uswa.

Iyo nyika inongodawo kuyevedza kuti ikwezve vashanyi nevemabhizinesi!

President Mnangagwa kudokuudzai, imi hamutereri – hamudi kusiya tsika dzenyu dzakare dzehuchapa. Basa kuisa zvimiti munzeve kuti pfee. Zimbabwe yava itsva mhani! Nyika ndeyedu tose iyi.

Mukwende atoita pake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey