Traffic Safety Club paEllis Robins

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Traffic Safety Club paEllis Robins

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
CHIKORO cheEllis Robins chiri muHarare chakaparura chirongwa cheTrafic Safety Club icho chakanangana nekudzidzisa vana mitemo nenzira dzakanaka dzekushandisa migwagwa.

Vana 24 vepachikoro ichi vakaumba chikwata chavo vachibatsirwa neTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) yakabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi svondo rapera pachikoro ichi, regional manager kuTSCZ, VaErnest Muchena vakarumbidza kubatana kwavari kuita nemapurisa eZRP pamwe chete nevezvikoro muzvirongwa zvakadai.

“Kutanga kudzidzisa vana nezvemigwagwa vachiri kuzvikoro kunobatsira zvakanyanya nekuti zvinoita kuti pavanozopedza chikoro vanenge vava kuziva nezvemumugwagwa zvakanyanya. Vana ivava vari mukirabhu yepachikoro pano vane mabasa akawanda ayo anobatsira chero vamwe vari pano nezvikoro zvakavapoteredza.

“Vari kubatsira kuona nzvimbo dzemumigwagwa dzinoda kugadziriswa dzine zvimwe zviratidzo (signs) zvisinganyatsoonekwa kana zvisina kutarwa zvakanaka, kunyanya panodarika nevana vechikoro,” vanodaro VaMuchena.

Vanoenderera mberi vachiti, “Izvi zvinoita kuti kanzuru igadzirise nzvimbo dzinenge dzisina kumira zvakanaka idzi. Vana ava vari kubatsirawo vamwe vavo vekupuraimari pavanenge vachidarika migwagwa. Ruzivo urwu vari kurwuwana kuburikidza nekudzidza kwavari kuita nezvemigwagwa mukirabhu yavo nerubatsiro rwemapurisa.”

VaMuchena vanoti vana ava kana vapedza zvidzidzo zvavo zvemumugwa pamwe nekutyaira, vachanyora bvunzo dzekuti vawaniswe marezinesi.

“Kudzidza kuri kuita vana ava nezvemumigwagwa pamwe nekutyaira kunovapa mukana wekuti vakwanise kupa ruzivo urwu kune vamwe. Chimwe chinangwa chikuru ndechekuti vana ivava vazokwanisa kunyora bvunzo dzekuti vawaniswe marezinesi ekudzidzira kutyaira nekuti muchikwata chavo vose vane makore gumi nematanhatu zvichikwira. Vachanyoreswa bvunzo neveVID pano pachikoro uye vanenge vapasa vobva vatowaniswa maProvisional Driver’s Licence.”

VaMuchena vanoti vamwe vana vasiri muchikwata ichi vane makore gumi nematanhatu zvichikwira vakasununguka kuvamba zvavo zvikwata uye vane mukana wekunyora bvunzo kuti vazowaniswa marezenesi aya.

Share This:

Sponsored Links