Tsanangudzo yetsumo dzinoreva zvakafanana

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
SEKUTSANANGUDZA kwandakaita muchikamu chakapfuura kuti gudza retsumo zienda nakuenda ndaitorevesa nekuti kuti tigoti tapedza tsanangudzo yetsumo dzese tinenge tichireva nhema.

Zvakakodzera kuti titore mukana uno kuti timbobata zvakare kachimedu ketsumo apo tinoenderera mberi tichibatanidza dzinoreva zvimwechete nekupawo tsanangudzo dzacho. Izvi tinoitira kuti tivake ugo hwemwana agokwanisa kuzozvinyorera ega rondedzero pasina anomubatsira.

Vavariro ndeyekuti tiwane kuburitsa vana vane utesve hwekugona kuzvitangira zvinyorwa zvavo vega pasina kana avabatsira vagokwikwidzana neZimbabwe yose inenge ichinyora bvunzo rechinomwe munaGumiguru wegore rino.

Zvinonzi “Panotamba machinda nherera sinyungwe.” Sinyungwe zvinoreva kuti suduruka kana simuka ubvepo. Inodyidzana neinoti, “Enda kumupanda wenyoka kwete kunavapfumi.” Inoita chinamirazve neinoti “Tsuro kotsa muromo wako.” Iyi tsumo inopinza vanhu munzvimbo dzavo kwete kungozvisusukidza puasingakwane senyama yemusoro. Rega vanoita zvavo vaite mukuenderana kwavo nekuti vanenge vachiziva zvavari uye kunobva rutsigiro rwavo. Iwewe ziva pako wotambira ipapo.

Tsumo inoti “Rume risinganyepi hariroori” inozivikanwa navazhinji asi tinoda kuipfekedza shangu inoenderana nayo inoti “Mubayi wetsumo anowana zvaanoda.” Ndipo paya patinoti vanhu vaya vanoita madanha nemutauro vachigona kukanda ndyaringo dzinoita kuti kutaura kwavo kutapirire vaya vavari kuataura navo kuno wanzoita kuti vawane zvavanenge vachida. Vanokwezva nemutauro kudzamara vasvika pane mwoyo, wanike vanga vachitsveterwa vaya vongobvumira nekutofarira.

Vanhu vane nzira dzekubata nadzo vanhu vanhu vavanopa mabasa kuti vavaitire.

Kazhinji vanhu vanopa vanhu mibairo mushure mekuitirwa mabasa avanenge vachida kuitira kuti munhu uya agowana simba rekuramba achiita. Mubairo uyu unoita sechiredzo chekubata vashandi kuti vasa rwadziwe nebasa uye kuti vagoramba vachidzoka. Ndipo panonzi navakuru, “Mugomberi wemhuru anopiwa mutuvi.”

Inogona zvakare kunzi “Mufudzi wembudzi anopiwa nzeve.” Kurera vana kunonetsa chose munharaunda dzatinogara zvekuti dzimwe mhuri dzakarimirana kumiganhu nekuda kwepwere. Pwere dzese ndivana mupara nzvongo zvekuti vabereki vose vanofanirwa kuziva kuti vana vana hapana chaiye anovagona.

Pamwe vanogonawo pamwe vachitadza asi kahunhu kavo kakangoda kufanana nekudaro vakuru vanoti “Mugoni wepwere ndeasinayo” kana kuti “Munatsirapwere imhanje.” Zvotoreva kuti munhu iyeye haaite mwana.

Zvatadai kupinda mugwaro rechinomwe zvoreva kuti takura zvekuti nyaya dzekupfimbana kwemadzikoma edu hadzisi itsva kwatiri. Kuchivanhu chedu musikana akura anopfimbwa nevanhu vese vese nekuti hapana anorambidzwa kumupfimba. Zvava kwaari iye kuda kana kuramba. Ndipo panopinda tsumo inoti “Musikana idomboka rinoti asvika anokanda chitombo.” Inoenderana neinoti musikana idziva, asvika anokanda duo kana kuti musikana itsamvi, anoteverwa neshiri.

Muhupenyu zviitiko zvinosiyana zvekuti kune zvimwe zvinotora nguva refu zvichiitika kozoitawo zvimwe zvinongoitika kwekanguva kapfupi kana kamwechete chaiko nokudaro zviitiko zvinotora nguva diki hazvifanirwi kukanganisa zvinhu zvagara zvichiitika. Ndiko kusaka vakuru vachiti “Husiku humwe hauodzi nyama” kana kuti “Shiri ipinda haipedzi dura.”

Pari zvino tombosendeka tsumo tipe mukana kune zvimwe zvombo zvatisati tabata kuti tiwane kubata kwese tichisimbisa hwaro hwechishona chamandorokwati

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>