Uncategorized

Tsaona dzapedza vanhu: vp Mphoko

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika, Vice President Phelekezela Mphoko, vanoti mitemo yemumigwagwa inofanira kusimbaradzwa nedonzvo rekuderedza tsaona idzo dziri kuwanda munyika. Vachitaura pakupedza zvidzidzo kwemapurisa 508 svondo rapera kuMorris Depot muHarare, VP Mphoko vakati Hurumende inoshushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita tsaona dzemumigwagwa.
Pamapurisa 508 vakapedza zvidzidzo ava, 231 vavo vaive vanhukadzi.

“Migwagwa inofanira kugadziriswa, mitemo yosimbaradzwa uye mapurisa anofanira kuwaniswa midziyo yechizvino-zvino kuti vange vachiona kuti vatyairi vari kufamba zvakanaka. Zvinhu zvinorwadza kuti migwagwa yedu yave kusandurwa kuitwa nhovo yerufu zvisinei nekuti vatyairi vanogaroyambirwa kuti vangwarire tsaona.

“Munguva pfupi yadarika vanhu vazhinji vakarasikirwa neupenyu mutsaona yebhazi reZupco nerePioneer,” vakadaro.
Vanhu 26 vakafa vamwe 46 ndokukuvara apo mabhazi aya akabonderana mumugwagwa unobatanidza Harare neNyamapanda.
VP Mphoko vakatenda basa guru riri kuitwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police mukuchengetedza runyararo munyika.

“Tinoda runyararo, mapurisa ari kuita basa guru rekuchengetedza upenyu nemidziyo yevanhu. Vanofanira kutsigirwa mubasa iri. Kune avo vawaniswa zvitupa nhasi ndinoti shandai nesimba muchitevedzera mitemo nekuti hapana munhu ari pamusoro pemutemo,” vakadaro.
“Makatora mwedzi yakawanda muchidzidza, nokudaro munofanira kuzadzikisa zvinangwa zvenyu.”

Share This:

Sponsored Links