Tsigirai Division 1: Mushonga

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
MUNYORI mukuru weZifa Northern Region Division One, Sweeney Mushonga, anoti makambani akawanda anofanirwa kutsigira nhabvu yeDivision One neTwo sezvo kuriko kunobikwa vatambi.
Apo pavasisina mitambo yemikombe inoona zvikwata zvemuPremier League zvichitatsurana nezvemaDivision ari pasi, Mushonga anoti mitambo iyi inofanirwa kudzoswa sezvo ichibatsira kusimudzira nhabvu yemuno.
“Mazuva ano zvikwata zviri mumaDivision pazvinowana mukana wekutamba nezvemuCastle Premiership panguva yepre-season chete, hapanazve pamwe pazvinosangana nazvo.
“Izvi hazvina kunakira nhabvu yedu nekuti zvikwata zvedu zvinofanirwa kumbomhanyisana nezvemuCastle Premiership sezvatinomboona kune dzimwe nyika.
“Zvakatonakira isu nhabvu yedu sezvo zvichibatsira kuti zvikwata zviwane mari uye kusimukira kwevatambi kuti vaonekwe nezvimwe zvikwata zvepamusoro,” anodaro Mushonga.
Zvakadai, svondo rino kuchange kusingadanwe anonzwa apo zvikwata zvepamusoro zvemuDivision One zvichange zvichitatsurana. Mushowani Stars – iyo iri kutungamira palog mumujaho wekurwira kupinda muPSL – iri kuenda kuMorris Depot uko ichasangana neZRP iyowo yakagara pechitatu palog. Cranborne Bullets, iyo iri kufemera mugotsi meMushowani Stars, ichasangana neHarare City Cubs musi weSvondo kunhandare yeRufaro.

Share This:

Sponsored Links