Tsigirai dzidzo: Deketeke

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Tsigirai dzidzo: Deketeke Zimpapers Chief Executive Officer Mr Pikirai Deketeke chats with Mukai High School headmaster Mr Hapias Dhakwa during a tour of the school's computer lab in Highfields Harare yesterday

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI huru mune zvenhau nenhepfenyuro munyika muno, yeZimpapers Group, svondo rapera yakapa makombiyuta maviri nemabhuku ekuverenga izvo zvinokosha $1 600 kuchikoro cheMukai High School chiri kuHighfield, muHarare.

Pachikoro apa ndipo pakadzidza chamangwiza weZimpapers, VaPikirayi Deketeke, avo musi uyu vaive muenzi mukuru pachiitiko ichi.

Zuva iri rakabatana nerekupihwa mibairo kuvana vakabudirira muzvidzidzo zvakasiyana. VaDeketeke vanokurudzira mamwe makambani nemapoka akazvimirira kuti vatsigire zvirongwa zvefundo, zvikuru munyaya dzezvivakwa nezvekushandisa pakudzidza.

Vanoti vanonzwa kurwadziwa vachiona zvivakwa zvepachikoro cheMukai High, apo pavakadzidza makore akawanda adarika, zvichiparara.

“Ndashamisika kuona midziyo yaiveko kuma1970 mumupanda wekuveza ichiratidza kusakara zvikuru uye nekudonha kuri kuita matenga edzimba dzekudzidzira. Tine vamwe vedu vakadzidza pano vari kumhiri kwemakungwa avo vari kufunga kuti zvinhu zvakanaka pachikoro pano, izvo kwete.

Zimpapers Chief Executive Officer Mr Pikirai Deketeke hands over an overal best student award to Aripani Mudimu during a prize giving ceremony at Mukai High School while the headmaster Mr Hapias Dhakwa look on in highfileds Harare yesterday

“Vakawanda vanofunga kuti ibasa reHurumende bedzi rekutsigira zvikoro asi ndinoona kuti zvakakosha kuti vanhu vari munharaunda vapindire panenge pachida rubatsiro, zvikuru vaya vakadzidza pano ndokuzowanawo mabasa ari nani,” vanodaro.

VaDeketeke vanoti vanotarisira shanduko huru paMukai High munyaya dzezvivakwa zvekudzidzira, kuwaniswa kwemvura yakachena, mudhuri wechikoro nezvimwe kuitira kuti vana vafunde vakasununguka.

“Kuuya kwataita pano kwaita kuti tidzidze zvakawanda zvatinofanira kuitira chikoro chino. Tinofanira kubatsira zvikoro zvakatipa dzidzo kuti tive zvatiri nhasi uno. Nhasi uno ndiri chamangwiza weZimpapers nekuda kwedzidzo yandakawana pano,” vanodaro.

Mukuru weMukai High School, VaHapias Dhakwa, vanotenda rutsigiro urwu vachiti rwuchabatsira kushandura dzidzo yepachikoro ichi.

“Dambudziko remari ndiro riri kuita kuti zvirongwa zvepano zvisabudirire saka tinoda rutsigiro rwakakura. Ndinovimba kuti maona mudhuri wechikoro uyo wakadonha naizvozvo vana nemidziyo yepano hazvina kuchengetedzeka.

“Hatina mvura yakakwana yekushandisa nekuti chibhorani chedu chakafa. Tine chirongwa chekuchengeta hove pano asi chava kuparara nekuti hatina mvura, tiri kushandisa yekanzuru bedzi inova inogona kuenda ipi zvayo nguva,” vanodaro VaDhakwa.

Mukai High ine vana 800 nevarairidzi 37.

Chikoro ichi chakawaniswa zvakare rubatsiro rwemakombiyuta makumi maviri kubva kuvamwe vakambodzidzapo izvo zviri kubatsira vana muzvidzidzo zveSainzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>