Tsigirai makoreji ezvekurima: Shiri

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Tsigirai makoreji ezvekurima: Shiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VADZIDZI 94 vepaGwebi Agricultural College nguva pfupi yadarika vakawaniswa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvavo zvekurima.

Pavadzidzi ava, 35 vavo vakanga vari vanhukadzi kuchizoti 59 vari vanhurume.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota rebazi rinoona nezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva – Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri – vanoti makoreji ezvekurima anofanira kubatsirwa nemichina yekurimisa yechizvino-zvino.

“Kuitira kuti vadzidzi vezvekurima vabudirire muzvidzidzo zvavo, vanofanira kuwaniswa michina yekushandisa kuti tifambirane zvakare neruzivo rwechizvino-zvino nekuti mushure medzidzo vachazonopinda muminda kunoita basa,” vanodaro.

Vanoti Gwebi College iri kuenzanisa mikana pakutora vadzidzi  – vanhukadzi nevanhurume – izvo zvinofambirana nemutemo wenyika.

Vachitaurawo pagungano iri, Dr William Matizha vanova principal weGwebi Agricultural College vanoti kudzidziswa nyaya dzekurima kunobatsira zvikuru mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika.

“Chinangwa chedu chegore ra2030 ndechekuona kuti varimi vaita mari nekukasika kuburikidza nekugona kuita mabhindauko anovandudza raramo yavo pamwe neruzhinji rwenyika.

“Tinotenda zvikuru nerutsigiro rwatakawaniswa nesangano reAfrican Conservation Tillage Network (ACT) rwe$12 806 yekusimudzira chirongwa chekurima nenzira yemasutso pasi peConservation Agriculture for Resilient Food Security and Economic Growth in Africa vachitsigirwa nehomwe yeNorad,” vanodaro.

Zvisinei, Dr Matiza vanoti vari kuchema-chema nenhau dzekusakara kwaita mimwe michina yavanoshandisa pakoreji iyi uye kubiwa kwezvinhu zvakasiyana.

“Tiri kuramba tichisangana nedambudziko rekubirwa chibage nemapango nevanhu vanenge vachitsvaga huni uye nhau yemoto wesango iri kuparadza goho redu. Kutaura kudai, takabirwa muchina wemadiridziro weCentre Pivot uyo takapihwa nekambani yeSyngenta. Midziyo yedu yave nemakore 68 ichishanda inosanganisira matarakita, motokari, bhazi nemimwe michina izvo  zvasakara zvikuru,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti munda wekoreji iyi uri kushaya mvura yemadiridziro sezvo dhamhu repo risisakwanisi kuchengeta mvura kwemakore mazhinji zvichitevera kusanaya kwemvura nemazvo.

“Tinotenda mushandirapamwe watiri kuita neveChinese Agricutural Technology Demonstration Centre pamahekita 50 echibage, 50 esoya bhinzi ne50 egorisi ayo takarima pasi pechirongwa cheCommand Agriculture,” vanodaro.

Dr Matizha vanoti kushoo yeHarare Agriculture Show gore rino, koreji yavo yakahwinha mibairo miviri inosanganisira yekuratidzira zvirimwa neyezvipfuyo.

“Gore rino takwanisa kudzidzisa varimi 350 vaibva kunzvimbo dzakasiyana uye pakati pavo 60 vainge vari vemombe avo vaitsigirwa nesangano reNurture Education Trust. Tine vadzidzi 237 apo chikamu che49 percent chavo vanhukadzi uye 44 vari mugore rekutanga, 66 vari mugore repiri vari kufundira mabasa (attachment) apowo 127 vari mugore retatu,” vanodaro.

Vanoti vadzidzi vakawaniswa zvitupa vese vari 94 vakapasa nechikamu che100 percent.

Kubva mugore ra1950 pakavambwa koreji iyi kusvika pari nhasi, vadzidzi vawaniswa zvitupa vave 2 514.

Share This:

Sponsored Links