Tsigirai varimi vedonje zvizere: Cottco

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Tsigirai varimi vedonje zvizere: Cottco

Kwayedza

Tawanda Mangoma ari kuCHIREDZI
KAMBANI yeCotton Company of Zimbabwe (Cottco) yoshoropodza zvikuru mamwe makambani anopa varimi makondirakiti asi ozovasiya vari pamhene kuburikidza nekusazadzikisa zvivimbiso zvawo zvakadai sekuvapa mbeu yekuti vadyarure, feteraiza nemishonga yekufiritiswa zvirimwa zvavo.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pagungano rekupihwa kwemubairo mukuru wetirakita negejo kumurimi akakunda vamwe vose kurima donje munyika gore rapera kuChiredzi, Cottco southern region manager, VaMunyaradzi Chikasha, vanoti nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura pakutanga kwemwaka uno, donje rakange radyarwa harina kubuda zvakaita kuti varimi vange vachidyara zvakare.

“Donje rakadyarwa rakawanda revarimi harina kunyatsobuda zvakanaka mwaka uno nekuda kwekusanaya kwemvura pakatanga mwaka,” vanodaro.

“Tiri kupa varimi vedu mbeu yekuti vadyarurure, asi dambudziko nderekuti kune mamwe makambani akange apa makondirakiti kuvarimi vari kuLowveld ayo asina zvaari kuita.”

VaChikasha vanoti mamiriro ezvinhu aya ave kupa mutoro kwavari sezvo kambani yavo iriyo yave kubatsira varimi ava.

“Tine varimi vari kuuya kwatiri vachiti kambani A neB vakangotipa mbeu chete. Vakavimbisa kuzotipa feteraiza nemishonga yekufiritisa, asi havana kuzodzoka,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti,  “Murimi anofanira kupihwa zvekushandisa zvakakwana kuitira kuti akwanise kuzorwisa zvirwere netumbuyu muzvirimwa zvake. Kana kambani yedu ikatadza kutsigira varimi vayo uye kana gonye refall army worm rikanyuka muminda rinopararira nenharaunda yose nekuda kwekuti kune murimi anenge asina kubatsirwa nekambani yake yaakasarudza,” vanodaro VaChikasha.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, mumiriri weChiredzi West mudare reNational Assembly Cde Farai Musikavanhu vanoti makambani anotsigira varimi anofanira kuzadzikisa zvivimbiso zvawo kuitira kuti pasazove nenyaya dzekutengeswa kwedonje pamusika wemukoto apo varimi vanorega kutengesera makambani anenge akavapa makondirakiti.

“Nyaya dzekutengeswa kwedonje pamusika wemukoto dzinogadziriswa chete kana makambani ose anobatsira varimi akazadzikisa zvivimbiso zvawo,” vanodaro.

“Varimi vanofanirwa kupihwa zvekushandisa zvose izvo zvinoita kuti nyika ive negoho guru. Kubiridzira varimi hakutipe goho rakanaka, dambudziko rekutengeswa kwedonje pamusika wemukoto rinogadziriswa nekutsigira varimi zvizere. Tinoda donje rakawanda asi hariwanikwe nekusatsigira varimi zvizere.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>