Uncategorized

Tsigirai zrp: Cde Mathema

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Tsigirai zrp: Cde Mathema Minister Mathema

Kwayedza

Kingstone Mapupu
GURUKOTA rezvinoitika mukati menyika nekuchengetedzwa kwetsika, Cde Cain Mathema, vanoti zvakakosha kuti mapurisa eZimbabwe Republic Police awaniswe zvekushandisa zvakakwana zvinosanganisira michina yechizvino-zvino kuitira kuti vakwanise kurwisa kuparwa kwemhosva.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mushure mekumema muzinda mukuru wemapurisa wePolice General Headquarters uri muHarare apo vaiona mashandiro emapurisa eZRP.

Vaive pachiitiko ichi vanosanganisira mukuru wemapurisa, Commissioner-General Godwin Matanga, vatevedzeri vavo nevamwe vakuru vemapurisa.

“Mapurisa edu havasi kukwanisa kufambidzana nenguva nekuda kwekushaikwa kwemichina yechizvino-zvino, nekudaro zvinovakanganisa mubasa ravo.

“Tinoda kuti vave nemichina iyi basa ravo rofambe zvakanaka,” vanodaro Cde Mathema.

Vanoti mapurisa akatarisanawo nedambudziko rekushomekerwa nedzimba dzekugara zvose nemahofisi.

“Tinoda kuti mapurisa edu vawane dzimba dzekugara dzakanaka voshandirawo mumahofisi akanaka. Kushaikwa kwedzimotokari nezvimwe mubazi redu kunodzosera kumashure basa remapurisa, nekudaro bazi redu rakazvipira kushanda nesimba kuti matambudziko aya apere.

“Tichashanda tose naCommissioner-General Matanga kuti mapurisa akwanise kushanda zvizere mubasa ravo,” vanodaro.

Cde Mathema vanoti vanovimba nemapurisa nekuzvipira kwavo mubasa rekushandira nyika.

“Commissioner-General Matanga vandizivisa kuti mapurisa ari kuramba achienda kuzvikoro zvine chekuita nebasa kuti varambe vachisimukira mubasa ravo nekuwedzera ruzivo.”

Cde Mathema vanoenderera mberi vachiti, “Ndinokumbira ruzhinji rwenyika kuti vatsigire ZRP apo vari kushanda kuchengetedza runyararo rwenyika.” Vanoti kushanda kwemapurisa neruzhinji kunosimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nekurwisa nyaya dzehuwori.

“Ndinokurudzira mapurisa kuti varambe vachishanda nesimba mukurwisana nekuparwa kwemhosva nekudzikisa tsaona dzemumigwagwa,” vanodaro Cde Mathema.

Vanokurudzira vatori venhau kuti vaburitse nhau dzinovaka nekuumba nyika dzichikurudzira runyararo.

“Rambai muchifumura nyaya dzine chekuita nehuwori,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links