‘Tsigirai zvidzidzo zvesainzi’

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
‘Tsigirai zvidzidzo  zvesainzi’ Maj-Gen Douglas Nyikayaramba

Kwayedza

Maj-Gen Douglas Nyikayaramba

Maj-Gen Douglas Nyikayaramba

VAKURU zvezvikoro vari kukurudzirwa kuti vatsigire zvakasimba kudzidziswa kwezvidzidzo zvesainzi pamwe nekusimudzirwa kweruzivo rwechizvino-zvino kuburikidza nekuwanisa vana zvirongwa zveE-Learning.

Vachitaura pazuva rekutambidzwa kwemidziyo yekuvakisa chikoro inokosha zviuru zvemadhora kuNyakasikana Primary School, kuBeatrice, Major-General Douglas Nyikayaramba vakati zvakakosha kuti zvikoro zvitsigire zvidzidzo zvesainzi.

Nyakasikana Primary School ndechimwe chezvikoro zviri kubatsirwa pasi pechirongwa cheZDF Community Assistance Programme.

Chikoro ichi chakatanga vana vachidzidzira mumadhirihora efodya pamwe nepasi pemiti uye vabereki vakazokanya zvidhinha izvo zvakatanga kuvakiswa dzimba dzekudzidzira nerubatsiro rweZimbabwe Defence Forces.

“Zvikoro zvinofanira kusimukira kuburikidza nekuwanisa vana zvidzidzo zvesaienzi.

“Ndiko kusaka tichiramba tichitsigira zvikoro munyaya dzezvivakwa nezvekushandisa,” vakadaro.

ZDF yakavaka mabhuroku matatu ekudzidzira, ikatenga zvakare macheya nematafura anoshandiswa pachikoro ichi uye iri kutarisira kuzovaka mahofisi epachikoro apa pamwe nekuwanisa vana makombiyuta.

“Sungawirirano yedu nezvikoro ndeyekuti tinge tichisimudzira dzidzo kubvira kunharaunda diki kusvika kupurovhinzi.

“Uyu ndiwo murawu wakadzikwa neHurumende, wekuona kuti mwana wese awaniswa mukana wedzidzo yakaenzana pasina rusarura rwuya rwekuti murudzii kana kuti anogara munharaunda yakasaririra zvakadii,” vakadaro Maj-Gen Nyikayaramba.

Vakati zvikoro zvakakosha zvikuru nekuti ndimo munobva budiriro yenyika neupfumi hwayo. ZDF, vakadaro, icharamba

ichishanda nenharaunda dzakasaririra mukusimudzira dzidzo munyika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey