‘Tsigiraiwo vanhukadzi mumhanzi’

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
‘Tsigiraiwo vanhukadzi mumhanzi’ Martha Shonhiwa

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wechitendero, Martha Shonhiwa, anoti iye zvino yave nguva yekuti vaimbi vechidzimai vemisambo yakasiyana vasimukire uye vasvike kure muindasitiri yemimhanzi.

Shonhiwa – uyo anogara kunyika yeSouth Africa kwaanoshanda achiita zvemhanzi – anoti kubva kare mhanzi yevanhurume vemuno ndiyo yega yaingofarirwa uye mashoo chaiwo mapuromota mazhinji anongofunga nezvekutsigira vanhurume chete vasina chido chekubatsira vanhukadzi.

Asi mudzimai uyu anoti iye zvino yave nguva yemadzimai kuti vachisimukire mumhanzi uye izwi ravo rinzwikwe.

“Yasvika nguva yekuti isu madzimai tichisimuka mumhanzi tichitanga kutongawo, kwete kuti varume ndivo vanenge vachingosimukira chete uye vachiwaniswa mashoo nekukotsverwa nemakambani chete.

“Madzimai tinozvigonawo, tarenda tinaro rekuzviita uye tiri kushanda nesimba kuti tisimuke tishandure nharaunda yekwatakabva.

“Kune dzimwe nyika, madzimai vanotonetsa mumhanzi uye vanokoshesa zvikuru, vanobatwa zvakanaka vachienzaniswa nevanhurume,” anodaro.

Shonhiwa kubva zvaakanga zvekuimba akwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti Ndauya Kuzomutenda (2011) naGrace (2018) uye gore rino akabura kambo kanonzi Africa ako akaimbira dunhu reAfrica achitaura nezvematambudziko ari kusanganikwa nawo.

Muimbi uyu akwanisawo kubika mavhidhiyo 10 enziyo dzinobva pamadambarefu ake maviri aya.

Akaberekwa mugore ra1982 kwaMurehwa ndokudzidza pazvikoro zvinoti Chemapango Primary neMurehwa Mission ndokuzouya kuMbare muHarare akadzidza zvakare paSt Peter’s Mbare.

Shonhiwa akazoita kosi yeInterior Design uye ndokuzonodzidza pamusoro pezvenhau (Media Studies) kuUniversity of kwaZulu Natal kuDurban, South Africa.

Parizvino muimbi uyu ari kushanda semupepeti wekambani inonzi KC Concepts Media yekuSouth Africa kwakare achiita zvemhanzi.

Anoti chishuvo chake kuti mhanzi yake irambe ichitambirwa uye mapuromota varongere madzimai mashoo akawanda seaimborongwa naMama Red Rose eGospel Divas kare.

“Kuenda kuSouth Africa kunoshanda kutsvaga kubatanidza kuti hupenyu huendeke zvakanaka. Asi shuviro yangu nevamwe vaimbi vechidzimai kuti tinyatsotambirwe nemaoko maviri uye tiwane kurarama kuburikidza nemhanzi.

“Vaimbi vazhinji vechidzimai vanotoenda kumabasa uko vanowana mari yekuvararamisa nekuti munyaya dzemimhanzi mapuromota mazhinji anotitarisira pasi.

“Vakawanda vaimbi vechidzimai vanogona vane tarenda  rinonwisa mvura asi hatisi kusimudzirwa. Tinoda kusimudzirwa tirarame kuburikidza nematarenda edu ekuimba,” anodaro Shonhiwa.

Vhidhiyo yemuimbi uyu yekambo kake – Africa – parizvino iri kunetsa zvikuru paterevhizheni nepaYouTube.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey