Tsika dzedu dzanangepi?

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Tsika dzedu dzanangepi?

Kwayedza

MAZUVA ano kune vamwe vanhu — vechidiki zvose nevechikuru — avo vari kurasa hunhu zvekuti unosvika pakuzvishairwa shumo yazvo.

Kana kuti uti chiRungu chakati kuuya ichi, icho chinonzi chakauya nechirungurira, unotadza kuzvinzwisisa. Kune vamwe vanhu vari kurerutsa tsika nemagariro anokudzwa sezvinotarisirwa. Senyaya yatinayo svondo rino, yemuzukuru ane makore 28 okuberekwa wekuMberengwa, uyo akamutsa bongozozo pamba paambuya nasekuru vake paanogara mushure mekunge apakurirwa mukonde wesadza uyo aiti waive mudiki pane waaitarisira.

Muzukuru uyu akatomiswa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekupwanya gonhi nemahwindo edzimba dzasekuru naambuya vake apo akange ashatirwa nekuda kwekuti anoti akange apakurirwa sadza shoma.

Sezvakabuda mudare iri, muzukuru uyu anonzi akasvika pakutora demo iro akapwanyisa gonhi nemahwindo nekuda kwenyaya yesadza chete.

Hunhu hwakadai hautarisirwe, kunyanya zvikaitwa kuna ambuya kana sekuru. Sekutaura kwakaita mutongi munyaya iyi, muzukuru uyu anotarisirwa kunge achichengetedza ambuya nasekuru vake kubva kune zvakaipa kwete kuvashungurudza pamusoro penyaya yesadza.

Chokwadi munhu angabatire demo kuti ndapakurirwa mukonde wesadza mudiki? Kubva kana zvakadaro vakafa havana chavakaona chokwadi, pasi rapinduka! Svondo rapera, bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yemusikana ane makore 17 okuberekwa wekuBinga uyo anonzi akatema Mambo Siabuwa nebhodhoro iro rakapwanyika kumeso kwavo mushure mekunge vamutsiura apo ainge akapfeka kamini-skirt – kaya karokwe kanoperera pakakatangira nekupfupika. Kuita kwakadai kunoratidza kuti vamwe vanhu havasisina hunhu zvachose nekuti kubvira pasichigare, zvaishura kunzwa kuti mambo arohwa kana kutukwa. Asi nhasi uno kune vamwe vave kutoita zvedambe nazvo. Kwete, vanhu vanofanira kudzidziswa hunhu hwakanaka kunyangwe zvazvo vakuru vane chirevo chinoti hapanai mvura isina chura.

Hunhu ndiho hunoumba tsika dzakanaka nemagariro anokudzwa.
Tinogamuchira nemawoko maviri zvirongwa zviri kuitwa nemapoka akasiyana pamwe nezvikoro mukuedza kudzoreredza hunhu hwakanaka muvanhu. Muenzaniso wakanaka ndewechikoro cheSelborne Routledge School, muHarare, icho chakatora mukana wemhemberero dzezuva Africa Day svondo rapera kusimudzira tsika nemagariro akanaka evanhu vatema, zvikuru vana vechidiki. Sekutaura kwemukuru wechikoro ichi, Mai Getrude Katena, vanoti vechidiki vanofanira kukoshesa kutevedza tsika dzechivanhu uye kukura vachidzidziswa hunhu hwakanaka nekuti chizvino-zvino chave kuita kuti vamwe vavo varasike.

Vanoti vamwe vana – kunyanya avo vanokurira mumadhorobha – varasa hunhu zvachose uye zvave kutoda kuita mukomberenwa sechuma chemuzukuru mukudzoreredza tsika nehunhu hwakanaka mavari. Hazvibatsire kutevedza tsika nehunhu hwemamwe marudzi nekuti pakupedzisira munhu anozochechuka aona kuti hunhu hwake huri kuperevedza. Kune vamwewo vana – vakomana nevasikana – vave netsika yekurova vabereki kana vachinge vatadza kunzwisisana kunove kurasika hunhu kwekupedzisira. Kunyangwe bhaibheri chairo rinoti ngaatukwe munhu anoshungurudza vabereki vake uye rinoti zvakare baba vebenzi havana mufaro sezvo rinogara richiita zvinovagumbura. Ibasa remunhu wose kudzoreredza hunhu hwakanaka kune vechidiki uye ivowo vorega kuisa zvimiti munzeve vachiti chave chizvino-zvino.
Tsika dzinoda kuchengetedzwa.

Share This:

Sponsored Links