Tsotsi rakadzipa mupurisa

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuChitungwiza wekubira vanhu vaviri nhdarembozha dzavo pamwe nekuzodzipa mupurisa aida kumusungira mhosva iyi akazoigochera pautsi zvichitevera mutongo waakapihwa nedare wekunodya refovhoro kwegore rose.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts Blessing Murwisi akapa Wellington Munyuki (20) wepanhamba 17998 Unit M, chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12.

Akazomubvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Mutongi Murwisi akaenderera mberi nekumubvisira mwedzi mina pachirango ichi nechitsidzo chekuti aizonofondoka kwemaawa 210 pasina mubhadharo.

Pamhosva yekutanga, akamuti abvise faindi ye$100 uye kukundikana kwake kuchaita kuti anogara mujeri kwemazuva 50.

Pamusoro peizvi, mutongi Murwisa akasendeka chirango chemwedzi mina zvakare nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari waakabira nharembozha ne$115.

Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa9 Kurume, Munyuki – uyo akanga ari kuUnit L – akasiirwa nharembozha yemhando ye”iPhone” naCrispen Makaure achinzi aichaje asi akabva atiza nayo. Nharembozha iyi inokosha $80.

Pamhosva yepiri, murume uyu akapihwa Tablet Cellphone ne$20 achinzi aigadzirise achibva atiza nayo zvakare.

Tablet iyi yaiva yemuuto.

Munyuki akanyepera muuto uyu kuti aizopedza kuigadzirisa mukati memaminitsi 30 izvo zvaasina kuzoita zvikaita kuti munhan’ari arasikirwe nemudziyo wake unokosha $35.

Munyaya yetatu, Munyuki akadzipa mupurisa aida kumusungira mhosva dzaaive apara pamwe nekubvarura hembe yake. Mupurisa uyu, Nomore Tumai (31) wepanhamba 5387 Glen Norah B, Harare asi achishandira kuChitungwiza, akanga aenda kunosunga Munyuki pamhosva yekuba nharembozha.

Mapurisa akabva amuwana ari kuUnit M, pedyo neSt Aidans Primary School. Paakanga oda kusungwa, akaramba achiti haaida kuramba achidzokera kukamba yemapurisa.

Pasina nguva, akabva adzipa mupurisa uyu pahuro nemawoko ose mushure ndokubvarura hembe yake. Mupurisa uyu paakapunzikira pasi, Munyuki akabva atiza.

Share This:

Sponsored Links