Uncategorized

Tsotsi rakaputika dumbu

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Tsotsi rakaputika dumbu Nicco Moyo

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuGwanda anonzi akazvimba dumbu zvekusvika pakuzoputika zvikaita kuti afe mushure mekunge adya nyama yematumbu ebhuru remombe raainge aba nemumwe wake.

Mushakabvu uyu, Bothwell Ncube (31), anonzi aishandira mumwe muzvinabhizimisi anonzi Irimai Muringa, uyo anoita basa rekutenga nekutengesa mombe.

Mukoma waNcube, Hlalani Dube, anoti munin’ina wake akadya matumbu emombe yaanonzi ainge aba nemumwe wake.

“Apo Ncube akatishanyira kumba kwedu (Sipedza ward 12), akatiudza kuti ainge adya nyama yematumbu ebhuru ravakaba, mushure mezvo akatanga kuve nedambudziko remudumbu mairwadza zvikuru uye achisvipa magodo eropa. Dumbu rake raifutunuka zvikuru,” anodaro Dube.

Ncube anonzi akazodzokera kubasa kwake asi dumbu rake rakaramba richizvimba zvikaita kuti azoendeswa kuchipatara cheMpilo apo akange asisakwanise kudya.

Babamukuru vaNcube, Nicco Moyo, vanoti vakachaira Muringa nhare kakawanda vachimuzivisa nezvedambudziko remushandi wake asi hapana zvaakabatsira nazvo.

“Ndakamuchaira nhare (Muringa) ndikamuudza kuti Bothwell arwara zvikuru. Akavimbisa kuti aizobatsira asi hapana chaakazotiyamura nacho, kunyangwe pari zvino apo Bothwell afa haasati auya uye pandakamufonera, nhare yake yakadairwa nemumwe munhu,” anodaro Moyo achiratidza kushungurudzika kukuru.

Mhuri yemushakabvu ine fungidziro huru yekuti anogona kunge akaroyiwa mushure mekudya nyama yemombe yaakaba.

“Semhuri, tine fungidziro yekuti Bothwell akaroyiwa.Tinodaro nekuti iye Bothwell akatiudza kuti akatanga kurwadziwa nemudumbu mushure mekunge adya matumbu ebhuru remombe ravakaba.

“Zvinotoshamisa nekuti vanachiremba hapana chirwere chavakaona apo vakamuvheneka,” anodaro Moyo. Zvichakadai, Muringa ari kuti haazive nezvemombe iri kunzi yakabiwa naNcube.

“Handikwanise kutaura pamusoro perufu rwemumwe munhu. Chandinoziva ndechekuti akarwara uye izvo zvekunzi akadya matumbu emombe hapana chandinoziva nezvazvo,” anodaro Muringa.

Sadunhu Shadreck Sibanda vanoti vakanzwa nezvenyaya iyi.

“Ndakanzwa nezvefiro isinganzwisisike yaBothwell. Chiitiko chinonetsa kunzwisisa chandisati ndamboona,” vanodar

Share This:

Sponsored Links