Tsumo dzakadzama

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ZVINOZIVIKANWA chose kuti dzidzo inhaka yeupenyu iyo yaunogara nayo dakara mukufa. Kana wakadzidza, chawakadzidza ukachibata, chinogara newe kusingapere. Kupera kwebvunzo hazvireve kuti dzidzo yapera. Zvinotoda kuti urambe uchiwedzera ruzivo kuitira kuti kana woenda kuchikoro chepamusoro hauzoite dambudziko asi kuti unenge uchitoratidza unyanzvi hwako.

Ndizvo zvinoita mwana anoda kuvaka ramangwana nekudaro tinoendererera mberi tichifukunura zvese zvinoita kuti fundo yedu isimukire.
Chikamu chino tinoda kubatana netsumo dzakadzama, dzamandorokwati. Tinoda kuti tidzitsanangure mugogona kudzishandisa muzvirevo zvizere.

Zvinonzi uyo avhiya mbudzi kumusana kunzi vana vakwane. Iyi tsumo inoratidza kuti chinhu chese chaitirwa paruzhinji chinofanira kugoverwa vese varipo. Hurukuro inoitwa pavazhinji inofanhirwa kudairwa nevanhu vese varipo.

Munhu anogona kuchinja maitiro kusiyana nezvaaimbosiita. Anogona kurasa tsika yake yakare achitora itsva. Ndipo panotaurwa tsumo yekuti, “Indura manhanga mutengeni kubara mbura.”

Zvinonzi navakuru upfumi hauna kuringanwa chakaringanwa ivhudzi. Izvi zvinoreva kuti chero pakaungana vanhu vanonzi vapfumi, upfumi hwavo haufanani, hunotosiyana. Umwe neumwe anenge akapfumawo neimwe nzira.

Kune tsumo inonzi kubvuma rwendo kweane gumbo. Izvi zvakada kufanana netsumo inoti kure kwegava ndokusina mutsubvu. Kana kuti zvinoreva kuti mwana akatumwa kunzvimbo ine chiya chaanodisisa, anoenda ikoko achibururuka kumhanya nekuti moyo nepfungwa zvinenge zviri parwendo rwake rweparutivi kwete rwaanenge atumwa.

Kana munhu achinge atanga chinhu anoda kuva mutungamiri pachinhu ichocho. Chero mukadzi anotanga kuroorwa mumhuri, anozviita mukuru achida kutungamirira vamwe varoora vose vanozouya mumashure. Kuita kwakadai ndiko kunodudzira tsumo yekuti, “Mafutura akatangapo kare kususukidza svingo nechirongo.”

Zvinonzi nevakuru, made etsvimborume okudya yakawararidza. Zvinoreva kuti kune vanhu vanogona kunyengedza vamwe kuti varege kuita basa ravanenge vachifanirwa kuita ivo vachiziva kuti vapedza ravo. Zvinoreva zvakare kuti munhu uya asina munhu waanogara naye anounganidza zvinhu zvake zvese pamwe chete kuitira kuti kana oda kuzorora azoregedze kunetseka nekuti anenge akagadzirisa kare.

Matanda mayererwa unoregera nevokoto. Iyi tsumo inoreva kuti vanhu vasatye kuyedza zvinhu nekuti zvimwe zvacho zvinenge zvisina kumbooma. Paya paunozozviedza wobva wazoona kuti inga hapana nezviripo. Vanhu vakanyarara vanowanzowirwa nemakomborero avasina kana kumbopopera kana kukumbira. Panenge pachiita vamwe nhange mutange yekuchemera chinhu, ivo vanenge vakati zvavo mwiro.

Zvakafanana netsumo yekuti, “Chitandiro ndechina amai, muguti unopihwa anyerere.”
Mukadzi kana achinge arambwa nemurume wokutanga, murume anozomuroora anozogara achipinda mumatambudziko akaita kuti mukadzi iyeye arambwe. Ndizvo zvinonzi mukadzi akarambwa inhema yekumutsira.

Share This:

Sponsored Links