Tsumo dzinoreva zvakafanana

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NYAYA yekunyorwa kwerondedzero dzakadzama haingofume yavapo asi kuti pane basa guru rinotoda kuitwa kuti tisvike patinogutsikana. Zvinotobvira kure kudzamara mwana aibva zvekukwanisa kunyora oga rondedzero pasina zano remudzidzisi nepfungwa dzekushandisa dzamara tasvika pakungopa mwana musoro wenyaya iye ozvibaya oga.

Kuti tisvike pakudai, tinofanirwa kugona kupa vana zvombo izvo vangashandisa mukugadzira umhizha hwekuburitsa chinyorwa chinokwikwidzana nevamwe. Zvombo zvatinofanirwa kupa vana ndizvo zvakaita setsumo, madimikira, nyaudzosingwi, fananidzo nezvipauro.

Kupa kwatinoita zvombo izvi tinofanira kusiya vana vava kugona kuzvitsanangudza uye kuzvishandisa muzvirevo zvizere, ndiko kuti vagozogona kuzvishandisa muzvirevo zvezvinyorwa zvavo zvichipinda panokodzera.

Regai titange netsumo nekuti kuona kwangu ndidzo dzinonyanyokodza muto nekudzamisa chinyorwa. Mukutarisa kwatiri kuita tsumo idzi, tinobvira mukubatanidza dzinoreva zvimwe chete tobva tatsanangudza zvadzinoreva.

Tsumo yekuti “Chava chigondora chava chimombe” itsumo yatinoziva chose asi zvichida pamwe tanga tisingazivi kuti inoreva zvimwe chete neinoti “Ageza haanokorerwi”. Ndizvo zvakafanana nekuti “Chasosodzwa chava chitiyo” kana kuti “Kabva muzai kava kashiri”. Tsumo idzi dzose dzinodudza kuti kana munhu achinge ayaruka anenge ochitarisirwa kuchizviriritira. Anenge otarisirwa kusiyana nezveupwere oita zvechikuruwoka. Pamazano okubhindauka anenge ozvionera chero kutsvaka wokumisa naye imba anenge okwanisa uye otenderwa.

Kazhinji tsumo yokuti “Aiva madziva ava mazambuko” inonyorwa nevana vakawanda murondedzero dzavo ichishandiswa pamwe nepaisingakodzeri nekuti vazhinji vanoti vanoiziva. Tinoda kuti tiwedzere humwe hurehwarehwa hunonamira patsumo iyoyo zvichireva zvakafanana. Tsumo iyi inoenderana neinoti “Bvupa jena rakabva munyama” kana kuti “Dzaive nhungo dzave mbariro”. Ipapo panopindazve tsumo inoti “Kwava kusakara kwedoo kuita serisakambodyiwa nyama”.

Tinobva tabatanidza neinoti “Chinokura chinokotama musoro wegudo chava chinokoro”.

Rundaza rwese rwetsumo urwu rwunotaura chimwe chete chekuti zvinhu zvese zvinoshanduka nekufamba kwenguva angava magariro evanhu kana upenyu hwavo. Kusanduka kwezvinhu uku hakunakiri vakange vari kwakanaka nekuti uya aimbova mupfumi anogona kuzoita murombo uya aiva murombo achiita chinoto.

Mukurarama kwedu vanhu tinowana zvakasiyanasiyana zvekuti kana munhu aine kake kadiki ngaabate ikako nekuti ari nani pane mumwe asina kana nechaakabata. Chero chinhu chacho chisina kunaka zviri nani unacho pane kushaya zvachose.

Apa ndipo panopinda tsumo inoti “Ane ganda ane nyama hazvienzani neasina. Tsumo iyi inosimbiswa neinoti “Ndongwe inyama hazvienzani nenhikiti”.

Vakuru vanetsumo inoti “Kutukana nemuroyi hunge muchizivana”. Ndizvo zvimwe chete nekuti “Imbwa kumedza hona kudada nechivhuno”. Uku kutaura kwemunhu anonyinda nezvaainazvo zvekuti ukaita dzungu unonoti tindindi munaTaisireva.

Ukaona munhu achitangana nezvinhu zvaanoziva kuti zvinengozi anenge aine zvaanovimba nazvo. Zvinozi ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma. Ine hochekoche neinoti “Chingoma chamusinzwi chakazoguma naTaisireva”. Zvinoreva kuti munhu asingadi kuterera zvaanoudzwa nevamwe anogumisira apinda mutsekwende.

Tati batei tsumo shoma tinoda kuenda muchikamu chepiri nekuti gudza rinofukidza tsumo rakakurisa.

Share This:

Sponsored Links