Tsumo nemadimikira namukanya

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NGATIMBOONAI tsumo dzinoshandisa kana kuti dzinodoma gudo, hongu ivo mukanya pachavo. 1. Mukutanda makudo, ndimo mukunhonga hohwa.2. Charovedzera charovedzera, gudo rakakwira mawere kwasviba.

3. Gudo guru peta muswe, vadiki vakutye.

4. Chinokura chinokotama, musoro wegudo chava chinokoro.

5. Ukaona mahobi egudo odonha mvura, ziva kuti mubvumbi wabvira kare.

6. Moyo washe here gudo kuchengeta nyimo.

Share This:

Sponsored Links