Tsumo nemadimikira namukanya

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Mviromviro yemhanza mapfeka.

Munhu ane mhanza haana kungomuka ave nemhanza. Zvimwechetewo nezvimwe zvinhu zvidiki zvinogona kupedzisira zvave chinhu chikuru, zvinenge zvakatanga zviri zvidiki.

Tsumo iyi yakafanana neyekuti, “Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi.”

Mubvunzo: Izwi rekuti “mhanza” idimikira rinoreva kuti chii?

 

. Mhinduro: Kuva nerombo rakanaka

* * *

Svondo rino:

Muroyi royera kure vemuzinda vagokureverera.

Muroyi munhu anokuvadza kana kuuraya vamwe nemishonga.

Saka kana zvichinzi royera kure, pari kunzi muroyi itira zvakaipa zvako kure kuti vanhu vaunogara navo vagoti uri munhu akanaka.

Mubvunzo:

Chii chinonzi muzinda?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

 

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links