Tsumo nemadimikira namukanya

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Muroyi royera kure vemuzinda vagokureverera.

Muroyi munhu anokuvadza kana kuuraya vamwe nemishonga. Saka kana zvichinzi royera kure, pari kunzi muroyi itira zvakaipa zvako kure kuti vanhu vaunogara navo vagoti uri munhu akanaka.

Mubvunzo:

Chii chinonzi muzinda?

. Mhinduro: Musha unogara vanhu vari pasi pamambo.

* * *

Svondo rino:

Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.

Mafungiro ekuti kana pane matambudziko akuwira, ane chinhu chinenge chaakonzeresa. Mutsumo iyi mudzimu ndiwo unenge uchifungirwa kuti wakupa dambudziko.

Zvekuita:

Pedzisa tsumo iyi: Chawawana batisisa . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey