Kwayedza
Mhinduro yesvondo rapera:
- Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope.
Dambudziko kana chinhu chinoitika masikati chinotadzisa vanhu kuita mabasa avo emuminda, zvotiwo dambudziko rinouya husiku rinotadzisa vanhu kurara.
Zvekuita:
Chii chinonzi ndima?
Mhinduro:
Ndima chikamu chemunda chinofanira kushandwa kana kuti chinenge chatopera kushandwa.
* * *
Svondo rino:
Tsapata rukukwe hazvienzani nokuvata pasi.
Zviri nani kuve nechinhu chekushandisa chakashoreka pane kunge usina zvachose
Zvekuita:
Chii chinonzi tsapata?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007