Tsumo nemadimikira namukanya

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Tsumo nemadimikira  namukanya

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

  1. Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope.

Dambudziko kana chinhu chinoitika masikati chinotadzisa vanhu kuita mabasa avo emuminda, zvotiwo dambudziko rinouya husiku rinotadzisa vanhu kurara.

Zvekuita:

Chii chinonzi ndima?

 

Mhinduro:

Ndima chikamu chemunda chinofanira kushandwa kana kuti chinenge chatopera kushandwa.

* * *

Svondo rino:

Tsapata rukukwe hazvienzani nokuvata pasi.

Zviri nani kuve nechinhu chekushandisa chakashoreka pane kunge usina zvachose

Zvekuita:

Chii chinonzi tsapata?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links