Tsumo nemadimikira namukanya

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Tsumo nemadimikira namukanya

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori.

Tsumo iyi inoreva vanhu vanoti havaite zvimwe, asi kana vave voga pasina ari kuvaona voita zvinhu zvacho.

Zvekuita:

Chii chinonzi machikichori?

 

Mhinduro: Machikichori kudya kunonaka kwazvo.

* * *

Svondo rino:

Chigere ibwe muti unowa.

Tsumo iyi inoreva kuti chinhu chisingabve pachakagara idombo, asi miti inobva.

Tsumo iyi inokurudzira kuti vanhu vasafunge kuti zvavari zvakaita serugare zvinoramba zvakadaro.

Zvekuita:

Tipe mamwe mazwi anoreva zvakafanana neaya: ibwe, kuwa

* * *

 

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links