Tsumo nemadimikira namukanya

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Zvine manenji dede kuwa mumuti.

Chinhu chinoshamisa kwazvo kuti chinhu chinosingoitwa mazuva ose chirambe kuitika kana kuti chitadze kubudirira.

Zvekuita: Chii chinonzi dede?

 

Mhinduro: gudo/bveni/diro

* * *

Svondo rino:

Ateya mariva murutsva haatye kusviba magaro.

Kana munhu achinge atanga chimwe chinhu, haazeze zvimwe zvinogona kukonzerwa nechinhu ichocho. Rutsva rwunosvibisa, saka vanhu vaiteya mariva vaiteya vakagara kana kuchonjomara murutsva zvekuti vaizopedzisira vasviba.

Zvekuita: Rutsva chii?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey