Tsumo nemadimikira namukira namukanya

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Tsumo nemadimikira namukira namukanya

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.

Mafungiro ekuti kana pane matambudziko akuwira, ane chinhu chinenge chaakonzeresa. Mutsumo iyi mudzimu ndiwo unenge uchifungirwa kuti wakupa dambudziko.

Zvekuita:

Pedzisa tsumo iyi: Chawawana batisisa . . .

 

. Mhinduro: mudzimu haupe kaviri

* * *

Svondo rino:

Matende mashava anovazva doro.

Zvinhu zvinoratidzika sezvakanaka kunze zvinowanzoviga huipi huri mukati. Matende anogona kunge ari mashava uye achiyevedza, asi doro riri mukati mawo richivava. Yakafanana neyekuti, “Guyu kutsvukira kunze asi mukati muzere masvosve.”

Mubvunzo:

Izwi rekuti “matende” riri muzvizhinji, ko kana riri rimwechete rinonzi chii?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links