Tsumo nengano namukanya

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
GUDO akapinda basa achibva aitwa foromani mushure memwedzi mishoma. Nekuda kwehuforomani, Gudo akatanga kuzvida. Kubhawa aive otengerwa doro, uye vanhu vave kumuti shefu. Gudo akanga ave kupinza nekudzinga vanhu basa paanodira. Asi rimwe zuva Gudo akashevedzwa nemurungu akanzi basa rapera. Paakaenda kubhawa hapana akanga achamuti shefu kana kumutengera doro. Akasangana nevanhu vaakanga adzinga basa vakamuti, “Iko zvino wangofananawo nesuka, waifunga kuti unosvika kupi?.”

Tsumo yacho: Chisingaperi chinoshura, musoro wegudo chava chinokoro.
* * *
Svondo rino:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
GUDO akaenda nemwana wake kuHarare. Vakafamba vachiona zvinhu zvakasiyana-siyana. Mushure mekufamba kwenguva refu, Gudo akatengera mwana wake huku nemachipisi. Mwana waGudo aguta, vakapinda muzvitoro zvehembe vakatenga hembe nebhutsu zvakanaka. Gudo akati kumwana wake, “Tatenga zvinhu zvatanga tichida. Ngatichidzokera kumba.” Mwana waGudo akati, “Asi ini ndiri kuda chidhori.” Gudo akati, “Inga wani ndakutengera chikafu, hembe nebhutsu?” Asi mwana waGudo akabva atanga kuchema zvekuti vanhu vakatanga kuungana. Gudo akadzidza kuti vana vanoramba vachida zvinhu zvakawanda nyangwe vambowana zvimwe.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links