Tsumo nengano namukanya

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

RIMWE gore Mhembwe akadanana naNjiri. Tsuro akati kuna Mhembwe, “Washaya mukomana kwaye here asina mazino akabuda panze?” Mhembwe akati, “Njiri ndinomuda akadaro Tsuro.” Nzou akati, “Njiri ane mhopo, zvakare anogara akasviba nguva zhinji.” Asi Mhembwe akati, “Imi, ndisiyei kani. Ndasarudza zvandinoda.”

 

. Tsumo dzacho:

Chidamwoyo hamba yakada makwati.

Mwoyo muti unomera paunoda.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

TSURO aitaurisa zvekuti vamwe vake vakanga vave kuti vakamuona achiuya vaimutiza. Tsuro akanga ambotsiurwa naTsoko, asi hazvina kupera. Tsuro aiwanzotanga nyaya achiti, “Ndinozviziva kuti munoti ndinotaurisa, asi nhasi handisi kutaurisa. Ndiri kuda kungotaura zvandafambira chete.” Asi nyangwe adaro, Tsuro aizopedzisira osvota vamwe nepamuromo pake pasingamharwe nenhunzi. Vanhu vane dambudziko kana hunhu hunokanganisa vamwe kazhinji havazive kuti vane dambudziko.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey