Tsumo nengano namukanya

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo kana dimikira rinoenderana nekarungano kano:

Tsuro naGudo vakanga vaomerwa nehupenyu, saka vakanoba pamba yemupfumi. Gudo akasara achitarisa kuti hakuna vanhu vari kuuya here. Tsuro akapinda mukati akawana Tsoko achibawo. Tsuro akawirirana naTsoko kuti vabude nemumwe musiwo vachisiya Gudo. Pavakatiza, Tsoko akazoburitsira Tsuro pfuti akamutorera zvose zvavakanga vaba. Tsuro akarasisa hama yake Gudo akavimba naTsoko uyo akazomupindukira.

Tsumo yacho: Chawawana idya nehama, mutorwa ane hanganwa.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

Mushure mekunge Tsoko anongedzera Tsuro nepfuti, akatora zvinhu zvese zvavakanga vaba, Tsuro akati, “Kuba hakubhadhare. Gudo ndichamuudza kuti chii?” Sezvo kunze kwakanga kwave kuyedza, Tsuro akakwira kombi akaenda kumba kwaGudo. Akawana Gudo achiverenga Kwayedza. Achiona Tsuro, Gudo akafara akati, “Tsuro uri mupenyu zvako? Pandakaona nguva dzafamba usina kudzoka ndakafunga kuti pamwe wabatwa ndichibva ndatiza. Ndiregererewo ufunge.” Tsuro akanyepedzera kushatirwa asi akafara kuti Gudo akanga asiri kuziva chokwadi chezvakaitika.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey