tsumo nengano namukanya

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

TSURO akaudzwa nevamwe vake vaaishanda navo kuti aive nenharo. Asi panzvimbo yekuti agadzirise hunhu hwake, Tsuro akatanga kuitisa vamwe nharo achiti vakanga vasingade kubvuma kuti Tsuro aive nenjere uye achigona kutaura kuvadarika. Asi pakupedzisira chakazoburitsa Tsuro basa kwaive kutsanangura nekuita nharo pese-pese nepaaifanirwa kunge achikumbira ruregerero. Tsuro haaiona kukanganisa kwake achizviita muzivi wezvose.

Tsumo yacho: Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

Tsuro aida kuenda kumutambo waive wakokwa mhuka dzine nyanga chete. Akagara pasi akafunga kuti angaite sei kuti aite nyanga. Pakupedzisira akaenda musango akatora nyanga dzemhembwe yakafa. Akabva adzinamira mumusoro make nenamo, achibva aenda kumutambo wemhuka dzine nyanga. Kuzoti zuva rave kupisa, namo yaive yakabata nyanga dzaTsuro yakananauka nyanga dzikadonha. Tsuro akazobvapo achitiza.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

l Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey