Tsumo nengano namukanya

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
Tsuro aida kuenda kumutambo waive wakokwa mhuka dzine nyanga chete. Akagara pasi akafunga kuti angaite sei kuti aite nyanga. Pakupedzisira akaenda musango akatora nyanga dzemhembwe yakafa. Akabva adzinamira mumusoro make nenamo, achibva aenda kumutambo wemhuka dzine nyanga. Kuzoti zuva rave kupisa, namo yaive yakabata nyanga dzaTsuro yakananauka nyanga dzikadonha. Tsuro akazobvapo achitiza.

Tsumo yacho: Rine manyanga hariputirwe mumushunje.
* * *
Svondo rino:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
GUDO aive murimi wemandiriri. Rimwe zuva akatenga mbeu yemadomasi, asi akabva aenda kunhamo asati adyara madomasi ake. Akashevedza mwana wake akamuraira kuti agodyara madomasi nefetireza. Mwana waGudo akadyara madomasi pawo, achibva adyara fetireza payo. Baba vake pavakadzoka akati, “Baba, umu ndadyara madomasi, umo ndikadyara fetireza sezvamareva.” Gudo akazunza musoro nekupererwa. Haana kunge anyatsotsanangura zvizere paakamuudza kuti fetireza haidyarwe.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links