TSUMO NENGANO NAMUKANYA

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

SHUMBA akanga asingambozvifungira kuti basa rake semukuru wemapurisa ringazopera akasara asisina nyembe. Rimwe zuva achityaira mota yake, Shumba akamiswa nemapurisa pamugwagwa. Shumba akanzi aburitse chitambi chekutyaira mota, asi akati, “Vakomana hamuchandiziva here? Inga ndaive shefu venyu.” Asi mapurisa akati, “Izvozvo tinozviziva, asi iko zvino pave nevamwewo shefu. Hushefu uhu hunosiiranwa vakuru vangu.”

 

Tsumo yacho: Ushe madzoro hunoravanwa.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

NGUVA yesarudzo yakanga yasvika. Bere aida kusarudzwa saMP. Nekudaro, akaunganidza mhuka dzose pamusangano kuti akumbire kuvhoterwa. Asi Mhembwe akasimuka akatanga kupopota achiti Bere akanga asina kukodzera kuvamiririra nekuti aikara. Mbizi akatsigira mashoko aMhembwe akati, “Kana Bere akaita MP, tinosara tave varombo nekuti anongozvifunga iye ega.”

Gudo akati, “Hama dzangu, ichokwadi Bere anogona kunge akamboita zvinhu zvakaipa, asi dai mamupawo mukana.” Nzou akabva ati, “Hazviite zvauri kutaura Gudo, munhu ane maitiro aajaira haarege, anoramba achingozviita bedzi.”

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links