Tsumo nengano namukanya

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO airova mukadzi wake zvisina mukare akamboona. Mukadzi waGudo aigara achitya nekuti Gudo akanga amuudza kuti kana akangomhan’ara chete, aibva amuuraya. Rimwe zuva Tsuro akawana mukadzi waGudo achichema.

Paakangoona Tsuro chete, mukadzi waGudo akabva akurumidza kupukuta misodzi akavanza kukuvara kwaakanga aita. Asi Tsuro akazviona akanotaurira mapurisa.

Pakauya mapurisa, mukadzi waGudo akamboda kuramba, asi mavanga ake ekurohwa aive akawanda zvekuti Gudo akazosungwa. Mapurisa akaudza mukadzi waGudo kuti anofanirwa kupota achichema uye kutaura zvinenge zvaitika kwaari pane kungokuvarira mukati. Zvakaipa zvinofanira kukurumidza kumhan’arwa nekuti munhu anogona kutourayiwa.

 

. Tsumo yacho: Mwana asingacheme anofira mumbereko.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akashevedzwa kuti apinde basa rechigadhi. Gudo akasvika pakambani yaida munhu webasa akawana pakazara vanhu vaidawo basa rimwechete iroro.

Vamwe vaitaura chirungu, vamwe vachitaura kuti vakamboshanda basa iri mhiri kwemakungwa chaiko. Gudo akamboda kutiza, asi akazoti, “Zvimwe zvinhu zvinoda kumboedzwa, rega ndingoedzawo.” Gudo paakapinda, akabvunzwa mubvunzo mumwechete wekuti, “Gudo, wakamboba here?” Gudo akati, “Hongu.” Akabva atonzi awana basa.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey