Tsungai atsamwa nekuita kwasekuru

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva

“WADIWA SEKURU” naRuth Gabi (123-125)

Sekuru vaiwanzouya kumusha kupera kwesvondo musha wose wobva wazara nerufaro. Tsungai anodada nasekuru vake ava achitarisira kuve mubatidzi sezvo akange anzwa vachitaura nezvekuda kwavo kuchata paizopera gore. Sekuru vanoratidza kufarira Tsungai pagurumwandira rose.Mumwe musi vapedza kudya kwemanheru, vanoburitsa redhiyo ndokuridza marekodzi ainge achangobva kudhorobha. Pamusha panove nekutamba mumhanzi sekuru vake ndokusarudza kutamba naye vachimuratidza mutambo mutsva. Vanomutuma kunovatorera mvura yekunwa kwava kumutevera kwaaenda uko vanosvikonanavira mazamu ake kwava kuvhara muromo wake neruwoko kwava kumubata chiuno neruwoko rweruboshwe ndokumusaidzira nepamusuwo vachimuisa murima.

Chiitiko ichi chinoita kuti azvibvunze mibvunzo misodzi ndokuuya. Pava paya anozonyarara kwava kunanga kune vamwe asi moyo wake wasviba zvokuti pakupera kwesvondo rakatevera haaendi nevamwe kunogamuchira sekuru nekutakura zvekudya izvo vainge vainazvo mumotokari uyewo anoramba kunyengedzwa neCoca-Cola yavaida kumupa. Mwana ashatirwa chaizvo nekuita kwasekuru vake.

ONGORORO:

Munyori ati naro dingindira rezviri kuwanzoitika mazuva ano, rekuti ava sekuru vanoshandisa mukana wavanoona (taking advantage of) wekuti vaite vasikana vechidiki, avo vanenge vachivimba navo, vakadzi kunyange zvazvo zvisina kunyatsa kudonongorwa zvakaitika, muverengi anogona kubatanidza pano neapo obva apa mhedzisiro yekuti sekuru ava vakaita Tsungai mukadzi.

Tinoona dambudziko guru richisara kumusikana uyu iro rinoratidza nekushandiswa kwemibvunzo yakati kuti seiyi.

1. “Ko chiiko chaakange akanganisa?”

2. “Ko, chiiko chakaita kuti sekuru vake vadaro?”

3. “Kuti aiva neshavi, mamhepo asina kunaka?”

4. “Ko, mbuya ndikavaudza vangazvibvuma?”

5. “Ko, zvino aigoita sei?” (124)

Iye zvino tava kuona maonero ava kuita sekuru vake izvo zvinoratidzwa nemitsetse inotevera:

1. “Iye zvino akange atove kuvavenga”

2. “Kwaari sekuru vakange vangovewo munhu waakanga asineyi naye” (124)

3. “Sekuru vakanga vamusuduridzira mune zvechikuru zvisina kunaka”

4. “Sekuru James akange asisinei navo zvachose” (125).

Izvi zvinobva zvapa musiyano mukuru (great contrast) papeji 123 zvekuti “Aidada navo sekuru. Aitarisira kuve mubatidzi sezvo akange anzwa vachitaura nezvokuda kuchata paizopera gore. Aitarisira mabiko”

Ivo sekuru vacho mamwe maitiro avo anove munongedzero wezvinangwa zvavaive nazvo. Zvinonzi pagurumwandira rose revana “vakasarudza Tsungai kumupa chidya chose chehuku” Zinonzi, “. . . vaiva netsitsi nemoyochena” (123).

Murume uyu aifarira kumubhabhadzira pabendekete.

Nyaya yacho:

Pamusha paVaTinarwo panove neshangwa yakakura kwazvo iyo inoita kuti dunhu rese rizengezane. Babamunini Tafirenyika munin’ina waVaTinarwo ndivo vanozonyeurira hanzvadzi yavo vachiti havafungi kuti Meja, mwanakomana waVaTinarwo vachakohwa naye achiri mupenyu. Maiguru wavo vainge vavadaidza kuti vaone muputi mumusoro maMeja apo vainge vachimuveura musoro iyo yaive minongedzero yehosha yeshuramatongo.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links