Uncategorized

tsuro yenhaka yauraya vanhu 9 . . . baba nevana vavo vasere . . . yokecha vakadzi vevanhu

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
tsuro  yenhaka  yauraya  vanhu 9 . . . baba nevana vavo vasere . . . yokecha vakadzi vevanhu

Kwayedza

Nhlalwenhle Ncube
KUNE tsuro yenhaka yapedza kuuraya mhuri – vanhu vapfumbamwe (9) – baba nevana vavo vasere.

Mbuya Khena Ndlovu (91) vemubhuku raEmncwazini, kuFigtree, vasara vangova ivo bedzi sezai regondo mushure mekunge tsuro ine godo, iyo yavakapihwa senhaka yababa vavo, “yatsvaira” murume wavo nevana vasere.

Mbuya Ndlovu vanodura kuti baba vavo – avo vava mushakabvu – vakavasiira chikara chapedza mhuri ichi uye ivo havachaziva zvekuita nacho.

Mbuya Ndlovu

Chembere iyi yava kurarama upenyu hunonzwisa tsitsi mushure mekunge vana vavo vose vashaika zvisinganzwisisike uye zvinonzi tsuro yavakasiirwa senhaka iyi ndiyo yapedza kuuraya mhuri – kuti varwadziwe, vanzwe “butter”.

Sezvinonzi zvekuuraya vana nemurume waMbuya Ndlovu zvishoma, tsuro iyi inonzi yava kuverevedza ichinopinda mudzimba dzemumusha uyu, umo iri kushinha nevanhukadzi vasingade.

Mbuya Ndlovu vanorondedzera nhamo yavo: “Inhamo zvayo kuti muupenyu pane zvinhu zvausingakwanise kusandura – kunyanya nyaya dzemumhuri.

“Ini handizive kuti baba vangu mushakabvu vaishandisa tsuro iyi kuitei uye zvichitevera kufa kwavo, handitomboziva kuti ndakaiwana sei nhaka yerudzi urwu.

“Zvinoita sekuti handina kutevedza mhiko dzetsuro iyi – handina kuita zvainoda – naizvozvo yakauraya vana vangu vasere vose nemurume wangu. Chionai ndava kugara ndoga, kana vazukuru vangu vaviri vakanditiza vakaenda kuBotswana.”

VaMaduma

Mbuya Ndlovu, avo vaiita sevachasvimha misodzi kuchema pavakakurukurwa navo, vanoti vanogara netsuro iyi muimba yavo imwe chete iyo yakavakwa nemapango nedhaka.

Mutevedzeri wasabhuku Emncwazini, VaLutah Maduna, vanoti tsuro iyi yatonetsa munharaunda mavo.

“Tsuro yaMbuya Ndlovu yakonzeresa muno – tatambura nayo. Vamwe vakadzi vanoti kana dai vasina kusangana nevarume, vanomuka vaine zviratidzo zvekuti vanenge vaendwa navo pabonde.

“Semusha, takaronga kuzvitsvaga kumaporofita ndokuzoziva kuti chii chiri kukonzeresa izvi – ndipo patakazoziva nezvetsuro iyi.

“Tinofara kuti Mbuya Ndlovu vanotiudza chokwadi, – zvakabuda pachena kuti ivo vanoziva nezvechikara ichi uye vakazvipira kuti tsuro iyi iparadzwe,” vanodaro VaMaduna.

Imba yaMbuya Ndlovu

Mbuya Ndlovu vanoti vari kufadzwa nedanho ratorwa nemusha wavo rekuti tsuro iyi iparadzwe.

“Ndava kunzwa kusununguka nekuti kwemakore ose adarika, tsuro iyi yange ichindishungurudza. Chinonyanya kundirwadza ndechekuti yakadya vana vangu vose.

“Zvisinei, muupenyu munoitika zvimwe zvinhu zvausingagone kunzwisisa uye kuti kana vari vabereki vanenge vachizviitirei.

“Rinongova rombo rakashata kuti nekufamba kwenguva, zvimwe zvinhu zvinoitwa nevabereki zvinozokanganisa vana vavo sezvava kuitika kwandiri,” vanodaro Mbuya Ndlovu.

 

Share This:

Sponsored Links