Tsvarakadenga ichasarudzwa

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Tsvarakadenga ichasarudzwa

Kwayedza

MISS-ZIM
Nyasha Mutena

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa muHarare kumakwikwi etsvarakadenga, eMiss Zimbabwe fainari nemusi weMugovera svondo. Chiitiko ichi chichaitirwa kuMabvazuva Village, pedyo neEconet Office Park, kuMsasa. Vachitaura nezvemakwishu aya, sachigaro weMiss Zimbabwe Trust, Mai Mary Chiwenga, vanoti semakore ose, vakaronga makwikwi emhando yepamusoro.Vanoti vane tarisiro yekuti vanasikana vachawana mukana wekuratidzira runako pamwe nenjere pachiitiko ichi, apo pachazosarudzwa tsvarakadenga ichamiririra Zimbabwe kumakwikwi epasi rose, eMiss World, ayo achaitwa muna Gunyana gore rino. “Semakore ose, makwikwi aya achange akarongeka uye idopiro rega-rega.

Pachasarudzwa tsvarakadenga ichazomirira nyika ino kumakwishu akadai seMiss World,” vakadaro Mai Chiwenga.
Mai Chiwenga vanoti vane tarisiro yekuti ruzhinji rweZimbabwe rwuchanotsigira chiitiko ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey