Tuchel otsiura Mbappe

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Tuchel otsiura Mbappe

Kwayedza

MANEJA weParis Saint-Germain, Thomas Tuchel, akaramba kutaura pamusoro penhau yekuti chikwata chake chinogona kutenga mutambi weChelsea, N’Golo Kante.

Kante – uyo akapembera kuhwina mukombe weWorld Cup neFrance gore rino – ari kunzi ari kudiwa kuzotengwa nechikwata ichi chekuFrance chinove shasha dzeLigue 1 mwaka uno.

Mutambi wePSG, Kylian Mbappe, akabuda pachena kuti akasiya katsamba muhomwe dzaKante achiedza kumukurudzira kuti auye kuzotambira nhabvu yake kuchikwata ichi chekuFrance apo vaive kuWorld Cup kuRussia.

Asi, Tuchel anoti hazvina kunaka kutaura pamusoro pezvevatambi vekune zvimwe zvikwata panyaya yekuda kuvatenga.
“Hazvina kunaka uye handizvifarire zvachose, uye handizvifarire kana vamwe varairidzi vachitaura pamusoro pevatambi vari kutambira zvimwe zvikwata,” anodaro Tuchel. Saka hapana nyaya panhau yaKante uye hatisi kufunga nezvazvo mwaka uno.”

Apo Tuchel ari kuramba kutaura nezvevamwe vatambi vari kuuya kuchikwata chake, murairidzi wePSG uyu anoti ane chivimbo chikuru chekuti Edinson Cavani haasi kuzobva achienda kuReal Madrid.

Mutambi uyu – uyo anove chizvarwa chekuUruguay – ari kunzi anodiwa kuti azotsive Cristiano Ronaldo uyo akabva achienda kuJuventus nemari inosvika 100 miriyoni paunzi.

Asi achitaura chikwata chake chichangobva kukunda Atletico Madrid 3-2 mumutambo weInternational Champions Cup, Tuchel anoti, “Ndinofunga kuti acharamba ari kuno, hapana ambotaura chinhu kwandiri nezvenyaya yake saka ndinoziva kuti acharamba aripo.

“Hazvina kumbouya mupfungwa dzedu kuti angangoenda, ndakataura naye uye haana kurakidza kuti anoda kubva.” — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links