Uncategorized

Uku kuroyiwa: N’anga

26 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

N’ANGA dzinoti chikonzero chinoita kuti munhukadzi atakure mimba kwenguva yakareba semakore mana asingazosununguka mwana ndechekuti munhu iyeyo anenge akashinhirirwa nemishonga kana kuti unenge uri mweya wakaipa.
VaPatrick Kapfunde (46) kana kuti Sekuru Bhaureni, vanoti madzimai anozvimba matumbu vachifunga kuti vane pamiviri hazvina kusiyana nevaye vanoita pamiviri panozongonyangarika.

“Pane nyaya zhinji dzinoitika, vamwe vanenge vari vakadzi vezvikwambo kana kuti vanenge vachishandisirwa mishonga. Mubobobo haubatise nhumbu asi munhu anogara dumbu rakangozvimba achiita seane mimba,” vakadaro.

Vanoti izvi zvakasiyana nechimimba muteku chinoitwa nemadzimai asisatevere.
Vakavedzera vachiti kune vamwe varume vanoisa madzimai avo rukwa kuti vasaite zvezvikomba izvo zvinozokonzera kuti dumbu remukadzi rifutunuke kana asangana nevamwe varume.

“Kuzvimba uku tinokushevedza kuti pamuviri pechikwambo kana kuti zvidhoma uye hapasunungukwe asi kuti kushandiswa kunenge kuchiita mukadzi.”

Vanoti pane mishonga inoshandisirwa vakadzi vakadai kuti dumbu riserere.
“Mudzimai ane dambudziko iri akapihwa mushonga uyu anorutsa nekuita manyoka, mvura nezvimwe zvinhu zvinenge zviri mudumbu make zvobuda.

“Dzimwe nguva mudumbu munenge muine mapundu kana maronda muchibereko, zvakangofanana negomarara asi kuchivanhu zvinorapika pasina kuvhiiwa,” vakadaro Sekuru Bhaureni.

VaTichakunda Bote (40) vekuMayambara, kwaSeke, avo vanozivikanwa saSekuru Katerere, vanotiwo:
“Dambudziko iri rinofambirana nekuroiwa kwemhando yepamusoro, muchibereko munogona kuita maronda, kana kuiswa mhepo chaiyo nevaroyi.”

Share This:

Sponsored Links