UNFPA yorwisa ndufu dzemadzimai akazvitakura

19 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

cathrineSANGANO reUnited Nations Population Fund rinoti hakuna mudzimai anofanira kufa panguva yekusununguka mwana.

UNFPA inoti iri mushishi yekuti mimba yese yaitwa ive yakarongwa uye kusununguka kusave nenjodzi kunaamai nemwana.

Zvipingaidzo zvinoitika pakusununguka zvanga zvisipo iri mimba, ndizvo zvakonzera ndufu zhinji dzemadzimai ari pakati pemakore gumi nemashanu kusvika makumi mana nepfumbamwe.

“Tichishanda pamwe nebazi rehutano nekurerwa kwakanaka kwevana, takwanisa kudzikisa ndufu panguva yekusununguka. Mugore ra2010, madzimai anosvika 960 pahuwandu hwe100 000 vaifa vachisununguka. Mugore ra2014 huwandu hwemadzimai aifa achisununguka hwakadzika kuenda pa614 pamadzimai 100 000. Ndufu idzi dzichakawandisa naizvozvo hatizorore kusvika pasisina mudzimai anofa achisununguka,” UNFPA yakazivisa mugwaro rayo.

Sangano iri rinoshandazve mukuongorora gomarara remuchibereko, kudzidzisa vanambuya nyamukuta zvavanofanira kungwarira uye kupa mapiritsi nemakondomu kune vanoda.

Hariperere ipapo, UNFPA inobatsirawo zvipatara kuvaka dzimba dzekumirira nguva dzemadzimai akazvitakura.

Zvakadaro, sangano iri rinokoshesha kodzero dzehutano dzevechidiki. Vechidiki vane matambudziko ekubata pamuviri vasingade, kutapurirwa zvirwere zvepabonde — kusanganisira HIV — vanowanikwa vachibvisa mimba nerweseri zvinove nenjodzi uye vamwe ndevanoroorwa dziri pwere. Nekuda kwezvikonzero izvi, UNFPA iri kudzidzisa vechidiki kuzvibata, kushandisa dziviriro uye kuti vangawanepi rubatsiro runoenderana nenhau inobata bonde risina njodzi kwavari.

“Kunyangwe kutapurirana utachiona kwaderera kubva pa26,6% mugore ra1997 kuenda pa14,3%, nhasi huwandu uhu huchakawandisa. Zimbabwe pasi rose iri pechishanu kana tichitarisa nyika dzichakaremerwa nedenda reHIV,” yakadaro UNFPA.

Sangano iri rasvika kunharaunda dzakange dzakasaririra nekuti dzinonetsa kusvikika dzinoti Chipinge, Gokwe North, Hurungwe, Mbire, Chiredzi neBinga.

Munyika yose, kwava nenzvimbo 52 dzinoongororwa gomarara remuchibereko idzo sangano iri rinobatsira.

Mudzimai angade kuziva nzvimbo iri pedyo naye ngaabvunze pakiriniki iri munharaunda yaanogara.

“Takabatsira nemari dzimba dzinosvika 102 dzinogara vanaamai vamirira nguva yekubereka dzikagadzirwa pane dzaive dzadonha. Vanambuya nyamukuta vanosvika 591 vakadzidzira basa iri uye kuti vave neruzivo rwekuona njodzi pakusununguka, madzimai owana rubatsiro nekukasika.”

UNFPA inowana rubatsiro rwemari kubva kuEuropean Union.

Mudzimai akazvitakura anokurudzirwa kunyoresa kukiriniki masvondo gumi nematatu asati apfuura kuti awane rubatsiro ruzere.

Chiri mumusakasaka chinozvinzwira.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>