Uncategorized

Ungabirewo chitunha here?

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views

Kwayedza

KUBA zvinoreva kutora zvinhu zvemumwe munhu asi iwe usina mvumo yekutora zvinhu izvozvo. Uye, kana uchinge wazvitora, unenge usina pfungwa kana chinangwa chekudzosera zvinhu izvozvo. Chinoitikawo zvakare nekuba ndechekuti, vanhu vanoba vanotora zvinhu zvevamwe pasina ari kuvaona.

Hakuna kuba kunonzi uku kudiki kana kukuru. Kuba chero teaspoon chaiyo kuba. Kutora chipeneti, tsono kana chikorobho usina akutendera kuba ikoko. Kamoto kamberevere kanopisa matanda mberi.

Hakuna mbavha yakangotanga nekuba mota, asi ukazvitarisa, mbavha iyoyo yakatanga nekuba tunhu tudiki, itwotwo twamunoti hatwuna basa rakanyanya.

Pane kuba kunonyadzisa. Kuba kwakaita sekubira bofu. Asi mapofu mazhinji anonzwa kudarika vanhu vanoona, saka bofu rinogonawo kubvunza munhu ari kuribira kuti uri kuitei akatotiza.

Asi pane kumwe kuba kunonyadzisa nekusemesa zvekutorutsisa chaizvo. Kuba uku kunoitwa nevanhu vanobira zvitunha. Ungabire munhu akafa?

Izvozvo zvega zvinoratidza kuti munhu anobira chitunha ndiro gwara rekupedzisira nekuti anenge achiziva kuti munhu afa haamuke akati ko shamwari uri kutorerei zvinhu zvangu. Ndizvo zvinoita kuti ndisemeswe nevanhu vane tsika dzekutanga vaponda vanhu, kana vanhu vavanenge vabaya nemapanga vachinge vafa, vanhu vaye votanga kusecha homwe voba zvese nehembe, nyangwe nemasokisi! Mweya yetsvina iyoyo.

Pasina kutanga vaponda munhu kuti vazomubira afa, asisagone kuzvimiririra, kune vamwe vane tsika yekuti vakasvika paita tsaona yemota kana mabhazi vanobira zvitunha. Unoona vanhu vachishaya nyadzi kana matyira. Vanosvika paitika tsaona, pakazara ropa revanhu, paine vanhu vafa, pane vanhu vari kugomera nevamwe vari kutandadza. Pane vana vari kuchema, pane vamwe vari kunamata kuti Mwari avararamisewo.

Panzvimbo yekuti munhu asvike achitya nekurwadzirwa vamwe vanhu vari kufa, vari kurwadziwa – unoona munhu achisvika nekusecha homwe dzevafi nevakuvara. Vamwe havangotora mari chete, asi kana tumwe tunhu tunotengeseka twakaita semafoni. Ukaona uchibatwa nemweya iwoyo wekubira vanhu vafa, unoda kuti Mwari vakubatsire.

Asi nyaya yangu iri pane imwe nzira inoshamisa yekubira vanhu vakafa inoitwa nevanhu. Ndakaverenga nyaya yemuKwayedza yesvondo rakapera ndikanzwa tsitsi, pamwe chete nekusemburwa nehunhu hwevaroyi vakadya muromo, maziso nemhuno yambuya vakafira kwaChirozva, kwaShe Nyashanu kuBuhera.

Ko mutumbi wambuya Beatrice Mureri unonzi wakanga wakanaka pawakaiswa mubhokisi, asi zvekudyiwa muromo, mhuno nemaziso zvakazoonekwa mutumbi wave kuda kunovigwa. Hakasi kekutanga kuverenga kana kunzwa nyaya dzakadai. Zvingadaro zvazvo kuti VaJoseph Chinotimba semuzukuru mukuru vakaramba kuti hazvina kuitika, nyangwe vana vambuya Beatrice vachiti ndizvo zvakaitika.

Asi nyangwe ukabira munhu akafa mhuno, muromo nemaziso ake, hazvireve kuti achatadza kuona Mwari kuti atongwe – nekuti nyama neropa hazvingagare nhaka yehushe hwaMwari. Pakupedzisira, kana Satani akundwa naJesu – pane zvichaitika.

Shoko raMwari rinoti, “Ipapo ndakaona vakafa, vadiki nevakuru vamire pamberi pechigaro chehushe, mabhuku akavhurwa, nerimwe bhuku reupenyu rikazarurwa, vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata. Gungwa rikabuditsa vakafa vakanga vari mariri; nerufu neHadhesi zvikaburitsa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nemumwe akatongwa nemabasa ake.”

Kana gungwa richazoburitsa vakafa vari mariri, nyangwe nevaroyi vacharutsa mhuno, muromo nemaziso zvambuya Beatrice zvavakadya, nekuti hakuna Shoko raMwari richashaiwa simba!

Share This:

Sponsored Links