Uncategorized

‘Ungori murume wezita’

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso—

MUMWE mukadzi anoti murume wake anogara achimuudza kuti achamuisira muchetura mune zvekudya kuti afe nekuda kwekuti anomushusha nenyaya yekuti ariritire mhuri yavo.

Natasha Murima akamhan’arira murume wake, Jones Musani, kuHarare Civil Court. Murima akaudza dare kuti ave kugara akabatira hana yake mumawoko nekuda kwehunhu hwemurume wake. “Murume wangu anogarondityisidzira achiti anoda kundiuraya. Anoita zvimwe zvinhu zvandisinganzwisise achienda kun’anga nekuzviporofita ndisingazive uko anouya nemishonga yanhombo achiisa pasi pemutsago wangu.

“Ndinogaromubvunza kuti anozviitirei uye kumuudza kuti kana paine zvandinoita zvaasingade ngaandiudze kuti ini ndoga ndisandure hunhu hwangu pane kuti aende kun’anga kana kuzviporofita senzira yekundisandura,” akadaro Murima.

Akaenderera mberi achiti: “Haachengete vana, ini ndini nditori amai nababa zvose. Ndikamuudza zvinenge zvichidiwa nevana anonditi achandiisira poiseni muchikafu ndife asare asina munhu anomushusha. “Chikumbiro changu ndechekuti baba ava vasasvike pamba pangu nekuti vangandiuraye. Ndikafa vana vanosara vachitambura nekuti iye haatorina basa navo. Anongori murume wezita, kumuudza zvevana kutomutambudza.”  Musani haana kupokana nemashoko emudzimai wake kana kupikisana nechikumbiro chake. Naizvozvo, mutongi Yeukai Dzuda akapa Murima gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links