‘Unoda kutiza mimba yako’

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Unoda kutiza mimba yako’ court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
Mukomana wekuzama kunzvenga nyaya yenhumbu yaakapa musikana wake nekuenda kudare redzimhosva achikumbira gwaro rerunyararo akashaya pekupinda apo chikumbiro chake chakaraswa.

Philmon Kasitanzu akamhan’arira Thembelile Sibanda kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza. Kasitanzu anoti Sibanda ane tsika yekusada kusiyana naye pese paanenge ari uye kumufonera achimutyisidzira.

“Mukadzi uyu haadi kusiyana neni, anondifonera achindityisidzira uye anouya kubasa nekumba kwangu achiita mhirizhonga. Izvozvi hatichagare tese pamusana pekuti ane mhirizhonga uye anotondikanda zvibhakera, handidi kumuona pedyo neni,” anodaro Kasitanzu.

Sibanda anopikisana nemukomana wake achiti iyi inzira yekuda kuramba mimba yake yaainayo.

“Ndinoramba kuti mumupe chikumbiro ichocho, anoda kutiza nhumbu yandinayo uye kutondidzinga. Ini handimutuke asi kuti ndinomufonera nenyaya yenhumbu ndichibvunza kuti todii. Ko inga taiwirirana wani pese apa, zvose zvazotanga nekuti ndava nenhumbu, unoda kuirambirei? Ndakaudza hama dzake kuti ndine nhumbu akandituka, kuda ndizvo zvaakatsamwira,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaKasitanzu achiti anoda kuwana mukana wekuti asataure naSibanda nezvenhumbu yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>