Uncategorized

Unoenda kunorara wakwira kombi yebp

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

KUSAZIVA hakusi kwekuchikoro chete. Ndinogaroudza vanondiziva kuti unogona kupasa kuchikoro asi wofoira hupenyu.

Vana vedu havachaziva zvinhu zvakakosha nekuti hatichavadzidzisa.

Nguva zhinji vana vedu vave kudzidziswa nemafoni nemaTV.

Asi tsika neruzivo rwunouya nemafoni nemaTV hazvisi zvedu. Nguva zhinji zvinorwisana netsika nehunhu hwedu sevanhu.

Mukugara kwedu sevanhu, chimwe chezvinhu zvakakosha kugarisana.

Kugarisana kunoreva kuti nyika ndini newe, uye kuti ndiripo nekuti iwe uripo. Kugarisana kunzwanana nekusatungamidza zvido zvako chete.

Chimwe chezvinhu zvakakosha mukugarisana kwedu kuziva kugashira vaenzi. Inguva zhinji dzandinonzwa nyaya dzekuti mumwe munhu haana kugashirwa zvakanaka zvekuti haana kuzogara.

Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive vanhu vanogona kugashira vaenzi nekuti imo muBhaibheri mune vanhu vakashanyirwa nevatumwa vaMwari vasingazive kuti vaenzi vavo vakanga vabva kudenga.

Zvino muhupenyu hwedu hwatave kurarama mumadhorobha nemumafoni netutambo twave kugara twakabayirirwa munzeve tiri kufambisa sei nhau dzehukama?

Chaita kuti ndinyore nyaya ino ndechekuti, svondo rakapera munin’ina wavadzimai vangu akatishanyira. Akasvika pamba isu tisati tadzoka kubva kumabasa. Akawana pamba paine vana namai vanotibatsira kuchengeta pamba.

Mainini vasvika, vakakwaziswa nevana, asi mukomana wedu mukuru akabva avasiya vega achienda mumba make. Patakazosvika takawana kasikana kedu kadiki kari iko kakanga kave kuratidza amainini vako pamba.

Patakabvunza mukomana wedu nezvehunhu hwaakanga aita, uye tave kumudzidzisa kukosha kwekugashira vaenzi, ndakaona kuti zvimwe zvinhu zvinotofanira kudzidziswa vana, kunyanya muhupenyu hwemumadhorobha hwatakazoda.

Mumagariro edu mumadhorobha hatichawana hama dzakawanda dzinotishanyira. Vazhinji vevanotishanyira mumadhorobha havasi vanhu vanganzi vaenzi, asi vanhu vanogona kunge vachingodarikawo nepamba penyu zvekanguva kadiki.

Saka pakazoita vaenzi vanouya vachigara, vanogona kuti tishaye zvekuita. Sevanhu vave kutongwa nemafoni nemaTV, kuuya kwemuenzi kunoreva kuti tave kumbosiya mafoni nemaTV edu kuti titaure nyaya.

Kugashira muenzi kwakaomera nyangwe vanhu vakuru. Kana uchigashira muenzi zvinoreva kuti une basa guru rekuita kuti muenzi asununguke, anzwe kuti agashirwa nemufaro.

Ibasa remunhu aita muenzi kuti ataure nyaya nemuenzi wake. Kana ukashanyirwa nemunhu, asi iwe woramba wakanyarara, zvinogona kureva kuti hausi kuda kuti muenzi uyu agare.

Kana waita muenzi, une basa rekumutura kana kutambira mabhegi ake, kumubvunza kuti kwaabva kwakanaka here, afamba zvakanaka here uyewo nekuti umuratidze pane zvimbuzi nekumugadzirira zvekudya.

Ndinoona kuti havasi vana vadiki chete vakafanana nemukomana wedu vanonetseka nekuziva zvinhu zvakakosha mutsika nemagariro edu sevanhu vatema. Variko vanhu vakuru vasingatoziva zvekuita kana vachinge vashanyirwa.

Vamwe havazive kana kupa muenzi mvura yekunwa chaiyo. Vamwe vanongosiya muenzi akagara nemabhegi ake paagara ipapo. Vamwe ndivo vanobva varatidza kusuwa kwavo nekuti vanenge vave kunetseka mumusoro mavo kuti muenzi uyu achadyei uye acharara papi.

Kushanyirwa nevaenzi mukana wekudzidzisa vana, uye mukana wekuti nesuwo tifunge kuti nesuwo tichazoshanyawo kwevamwe.

Asiwo, iko kushanya ngakurege kuve mukana wekuomesera vanhu vawashanyira zvekuti pavanozosara voenda kunorara vanenge vakwira BP. Handichataura nezvevaenzi vanongoerekana vasvika vasina kumbokuzivisai kuti vachauya.

Patsika dzedu sevatema, muenzi haanzi wavingei, asi anonzi kwamabva kwakanaka here. Kana apihwa mukana, anokuudzai zvaafambira.

Nesuwo tikashanyirwa naJesu, ngatimugashire kuti agare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey