‘Unomwaya mishonga yechivanhu pachivanze’

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
VANHU vaiva mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati aimbova murume wake ari kuuya kwaava kugara achimwaya mushonga munzira inoenda kumba kwake. Virginia Gwangwava akaudza mutongi weHarare Civil Court, Trevor Nyatsanza, kuti Augustine Chipindu ari kumuonesa pfumvu nekuti ari kuda kuti abve pamba yavakavaka vachiri vose.Gwangwava akati: “Murume uyu ari kundikanganisa kugara zvakanaka. Handina mufaro nekuda kwehunhu hwaari kuita. Pataiva tichiri tose takavaka 4 rooms. Iye paakabuda akasiya akiira zvimwe zvezvinhu zvake mune 1 room.

“Kuti tizorambana iye ndiye akabuda mumba achienda kunogara nemumwe mukadzi. Chava kunyanya kundityisa ndechekuti ari kuuya pamba pangu achimwaya mushonga yechivanhu pachivanze achitaura kuti mwanasikana wangu haafe akaroorwa uye ini nemhuri yangu tichapera kufa tose iye ozouya kuzogara zvakanaka nemhuri yake.

“Zvose izvi ari kuzvitaura nekuti sitendi yatakavaka iyi takaiwana tiri tose asi iri muzita rangu,ndava kutyira upenyu hwevana vangu pamwe chete neniwo nekuti handizivi kuti zvinogumira kupi. Inini akanditi handizofi ndakaroorwa futi nekuti anoti akandigadzira, akapedza neni kudhara.”

Akati Chipundu ari kuda kuti vagovane dzimba dzekugara izvo zvaanoona zvisingaite.“Ari kuda kuti tigovane dzimba dzacho totora mbiri mbiri kuti iye awane pekugara nemhuri yake. Ini ndiri kuzviramba nekuti handingambosekerere mahumbwe akadaro, ekuda kuchengeta munhu anoita chipfambi ndomuchengetera mhuri yake paimba ine ziya rangu. Kwete hazvigoni. Ngaatsvage kwake kwekuende nemhuri yake, kwete pamba pangu,” akadaro. Chipindu akaramba zvakataurwa naGwangwava.“Ndakangoenda kumba kwaGwangwava ndichida kuti titaurirane kuti sezvo imba takavaka tose tigovane maroom maviri-maviri ndiwanewo pekugara,” akadaro Chipindu.“Zvose zvekuti ndiri kumuisira mushonga kuda kungofadza dare chete nekuti handina kumbobvira ndadaro,” akadaro.Mutongi Nyatsanza akarasa chikumbiro chaGwangwava chegwaro redziviriro achiti hapana umboo hwekuti ari kushungurudzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey